Sarudzo: ‘Vanhu vari kuvhota murunyararo’

23 Aug, 2023 - 14:08 0 Views
Sarudzo: ‘Vanhu vari kuvhota murunyararo’ President Mnangagwa vachivhota pachikoro cheSherwood Park Primary kuKwekwe

Kwayedza

Tandayi Motsi

MAMIRIYONI ezvizvarwa zvemuZimbabwe neChitatu chino vavhota musarudzo dzekutsvaga mutungamiriri wenyika, vamiriri vedare reParamende pamwe chete nemakanzura.

Nzvimbo dzekuvhotera dzakawanda kumativi ose enyika dzavhurwa na7 mangwanani apo kumwe, kusanganisira muguta reHarare, kwange kwatove nemitsetse yakareba sezvo vanhu vafumobata jongwe muromo kuitira kuti vavhote nekukasika.

Mutungamiri wenyika President Mnangagwa nemudzimai wavo First Lady Dr Auxillia Mnangagwa vavhotera pachikoro cheSherwood Primary School chiri kuKwekwe.

Vachitaura kuvatori venhau mushure mekuvhota, President Mnangagwa, avo vari kumirira Zanu-PF musarudzo dzekutsvaga mutungamiri wenyika, vanoti vane tarisiro huru yekubudirira musarudzo idzi.

“Ndaita basa rangu sechizvarwa chenyika kusarudza anozove mutungamiri wenyika ino,” vanodaro President Mnangagwa.

Vanoti vanhu vakawanda varatidza kufarira kuvhota musarudzo idzi kana zvichienzaniswa nemakore adarika pachitariswa kuwedzera kwehuwandu hwevakanyoresa kuti vavhote.

“Nguva ino, pave nekupihwa chenjedzo zvakanyanya kana zvichienzaniswa nenguva yadarika. Vakawanda vari kuvhota panguva ino. Tine vanhu vanodarika mamiriyoni matanhatu vakanyoresa kuvhota, nguva yadarika taive nevaisvika mamiriyoni mashanu.

“Tine vakawanda panguva ino uye ndinofunga kuti pakave nekushambadzirwa kwakanyanya. Vanhu vakawanda, kunyangwe vechidiki, vane chido chekuti vavhote. Ndaona munhau kuti kanove kekutanga (vari kuti) tinoda kuratidza kuti tine kodzero yekusarudza zvakatinakira, zvinove zvinhu zvakanaka,” vanodaro President Mnangagwa.

Zvichakadai, vanhu vakawanda, kusanganisira masangano ari kuona kuitwa kwesarudzo idzi vanorumbidza maitirwo esarudzo idzi vachiti dziri kuitwa murunyararo.

Komisheni inoona nezvekufambiswa kwesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission (ZEC) inoti iri kugutsikana nemafambiro ari kuita chirongwa chekuvhota kumativi ose eZimbabwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey