Uncategorized

Satani ave kuno, kuGehena akatama

07 Jul, 2017 - 00:07 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa —
NDINOFUNGA kuti munonzwisisa kuti sei dzimwe nguva ndichozomboti Mwari misai nyika ndiburuke! Misoro yenhau dziri kuitika munyika inondikonzera kuwondomokera mukati setsime. Zvimwe zvinhu zvinoita kunge zvakaitika kune imwe nyika iri kure kwazvo, kure kudarika kure kwemungano.

Imiwo munoti kudii nababa vanobata mwanasikana wavo chibharo kakawanda, vosungwa, vopika jeri, voburitswa, vodzoka vosimudzira zvakare kusvikira vapa mwanasikana pamuviri.

Pamuviri paye pave kuda kuzvarwa, ivo vobva vaita ndivo nyamukuta pakusununguka kwake. Kumwe kutadza kunoita kuti ufunge kuti Satani akatama kuGehena, uye ave kugara muvamwe vanhu pano panyika chokwadi.

Tabva panyaya yababa vakaita zvivi zvekuvakira danga ava, tinonzwa nyaya yemukomana ane makore 22 akabatwa aine musoro wemunhu mubhegi. Mukomana anonzi Honest Moyo uyu akacheka musoro nesikarudzi dzemumwewo munhu uyo asina hama dzinozivikanwa.

Ini mukomana uyu ndakamuona paTV achiratidza mapurisa paakanga aviga mutumbi wemurume waakauraya uyu. Nyangwe zvazvo tikati haana kumuuraya, tomboti sekutaura kwake akamuwana akafa, chivindi chekucheka musoro wemunhu sekunonzi uri kucheka huku chivindi chaSatani chete.

Munhu akasikwa nemufananidzo waMwari, uye ane mweya waMwari, uye Mwari vakapa murayiro wekuti munhu asauraye mumwe munhu.

Hama dzangu, ndiri kutsvaga munhu ainzi munhu kare, munhu aitya kutadza, munhu aitya kupara mhosva.

Kuda mari kwauraya zvakawanda muhupenyu hwedu. Honest Moyo akanga avimbiswa mari, $25 000,00. Asi Mwari vakaramba kuti munhu wavo wavakasika atengeswe ne$25 000,00.

Kaini paakanga auraya Abheri, Mwari vakati, “Waiteiko? Inzwa! Ropa remunin’ina wako riri kudanidzira kwandiri richibva muvhu.” Ropa remunhu rakasiyana neropa rehuku. Ropa remunhu rinoyera, ndicho chikonzero chakaita kuti ropa raJesu rive ndiro ropa rakakwanisa kutsiva ropa remombe, hwai nembudzi sechipiriso.

Honest paakatakura “nyama” yaakanga auraya akaenda nayo kumba kwaamai vake akanoisa mumba yekubikira. Ndine shungu yekuda kuziva kuti amai ava vakasekerera mimba yembwa seinokamwa mukaka kuti zviite sei?

Ine nhamo nenhunzi mombe isina muswe! Uye Bhaibheri roti, “Baba vebenzi havana mufaro.” Vane nhamo avo vagere murima zvekuti nepfungwa dzavo dzave rima gobvu rekuti unotogona kusendeka bhasikoro rikasadonha.

Ndinotya kujairira nhamo zvekuti musi wandinobudirira ndinotadza kuziva kuti ndapinda machena, ndapinda murugare.

Hapana chinhu chinotyisa sekunzwa kuti vanhu vari kushereketwa navo nenyoka yavasingaone vave “kutozvifarira.” Chinofarirwa chinhu chiri pachena, kwete chechiverevere. Ndizvo zvinoita kuti vanhu vedu vati chinovanzwa huroyi, uhurudza hauvigwe.

Saka kana vanhu vachiti nyoka inoda zvinhu, asi tozonzwazve kuti naivo vave kutozvifarirawo – vasiyana chii nenyoka dzacho dzinovapinda?

Haisi nyoka chete inoda zvinhu, asi nevanhu vanonyarara vachidya huroyi vanodawo zvinhu. Havadi zvinhu zvenyoka chete, asi kuti naivo vatovewo nyoka dzevanhu nekuti munhu haafanire kuve nehukama nemhuka yesango. Iri dambudziko ratokomba pamwe chete nekukomberedza vanhu zvekuti Satani aswaradza, ave kutorara pamubhedha yavo akapfeka hovhorosi nemagambhutsu ane tsvina.

Mubvunzo wangu unoti, saka mucharamba muchipindirwa nenyoka iyoyo kusvika riinhi? Kusvika mazvara vana venyoka here? Asika, Johani Mubhabhatidzi muBhaibheri akagara ati tiri vana venyoka nekuti akanga aona kuti tiri hama dzaAdam naEve vakateerera nyoka tichirega kuteerera Mwari.

Vanhu ityai, tsvagai rubatsiro pazvinhu zvisina chiyedza izvi musati matengesa mweya yenyu kuna Satani.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>