Uncategorized

Sekuru vakabhinya muzukuru

28 Aug, 2015 - 00:08 0 Views

Kwayedza

SEKURU vekupomerwa kubata chibharo mukadzi wemuzukuru wavo ane makore 20 okuberekwa mushure mekunge vaenda kumba kwake kunomuyananisa panyaya yainetsa pakati pake nemurume wake vakamiswa mudare reChitungwiza Magistrates’ Courts.

Pride Kaseke (46) ari kupomerwa mhosva yekubata chibharo mukadzi wemuzukuru wake kuSt Mary’s, kwekare kuChitungwiza.

Muchuchisi Karen Kunaka akaudza dare kuti nemusi wa24 Chivabvu gore rino munguva dzemasikati, mumhan’ari akange akarara mumba make apo akanzwa musuwo uchizarurwa asi haana kuita hanya nazvo sezvo akafunga kuti aive mwana wemukoma wake akange apinda mumba. Kaseke anonzi akapinda mumba umu ndokugara pamubhedha asi nemhaka yekuti akange achinhuhwa doro, mukadzi uyu zvakamushamisa achibva amuka kuti aone kuti akange ari ani.

Anonzi akamubvunza kuti aidei, akapindura kuti aida kuona sahwira wake panzvimbo inonzi Tafalig iri munharaunda iyi asi akange asina kumuona izvo zvakaita kuti auye kumba uku.

Pakarepo, Kaseke anonzi akabva asimuka ndokubvisa mbatya achibva atanga kukakaritsana nemumhan’ari.

Anonzi akabva abvarura mbatya dzake ndokumubata chibharo. Mudzimai wemuzukuru uyu anonzi akaridza mhere asi hapana akamunzwa.

Kaseke anonzi akatozoregera apo akanzwa pamusuwo pogogodzwa nemwana wemukoma wemumhan’ari.

Mudzimai uyu anonzi akazonoudza mukoma wake zvakange zvaiitika, uyo akamuti aende kunomhan’ara kumapurisa.

Matsamba ekwachiremba akavheneka mumhan’ari akaburitswa mudare seumbowo.

Achitaura mudare, Kaseke anoti akange atumwa kuzoyananisa muzukuru wake uyu sezvo akange anzwa kuti akange ave kuita zvegumbo-mumba gumbo panze.

Mutongi Esitere Chivasa akati vaviri ava vadzoke kudare zvakare apo achapa mutongo wake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>