Uncategorized

Selbourne iri kupemberera

27 Oct, 2017 - 00:10 0 Views
Selbourne iri kupemberera

Kwayedza

Pauline Matanda —
CHIKORO cheSelbourne Routledge, chemuHarare chiri kupemberera kusvitsa kwachaita makore 70 kubva chavambwa.

Sekugadzirira mhemberero huru idzo dziriko neChishanu chino, Selbourne yakaita mutambo wekufamba kubva paTown House, muHarare kunosvika kuchikoro ichi.

Vaive pachiitiko ichi vanosanganisira vabereki, varairidzi, vana vechikoro nevamwe vakambodzidzapo. Vachitaura kugungano iri, mukuru weSelbourne Routledge School – Mai Katena – vanoti chiitiko ichi ndechekupemberera kusvitsa kwechikoro chavo makore 70 kubva pachakavambwa.

“Kufora kwaitwa nevabereki nevana mumugwagwa Jason Moyo kunosvika muna waRotten Row, Samora Machel, Bishop Gaul naPrinces Road vachizoguma vave kuchikoro ndiko kutanga kwemhemberero idzi.

Mutambo mukuru uriko Chishanu chino, 27 Gumiguru. Tinokoka vakambodzidza pachikoro chedu, vatsigiri nevamwe vatinoshanda navo pamwe nevemunharaunda yeBelvedere kuti vabatane nesu mukupemberera zuva guru iri,” vanodaro Mai Katena.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>