Uncategorized

‘Shandai nevanhu zvakanaka’

07 Jun, 2022 - 09:06 0 Views
‘Shandai nevanhu zvakanaka’ Mai Virginia Mabhiza

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUNYORI mukuru kubazi rezvemitemo nenyaya dzeParamende, Mai Virginia Mabiza, vanoti zvakakosha kuti vashandi vemubazi iri — vanosanganisira vekumahofisi aMaster of High Court of Zimbabwe — vave nekudyidzana kwakanaka neveruzhinji.

Vachitaura pamusangano wemazuva maviri wekufundisa vashandi vemuhofisi yaMaster of High Court of Zimbabwe pamusoro penyaya yekudyidzana kwakanaka neveruzhinji svondo radarika muguta reHarare, Mai Mabhiza vakati vanofara zvikuru nechirongwa ichi chinova chekutanga.

“Kushanda pamwe kwakakosha nekuti kunounza pundutso. Pamabasa tinokoshesa munhu wese nebetsero yaanopa kuti zvinhu zvifambe saka zvakakosha kuti tive vanhu vane chido nebasa uye vanoremekedzana.

“Sebazi rezvemutemo, tichaona kuti taita zvose zvinodiwa mukufambiswa kwemabasa.

“Tiri vanhu vanoshanda neveruzhinji vanofambira nyaya dzakasiyana, kusanganisira kugovewa kwenhaka, kuchengetedzwa kwemari (Guardian’s Fund), kubatsira makambani anosangana nezvigozhero, insolvent estates nezvimwe. Saka zvakakosha kuti tigone kubata vanhu ivavo zvakanaka,” vanodaro.

Chirongwa ichi chinofambirana nehwaro hweHurumende hweVision 2030 hwekuvandudza mashandiro everuzhinji kuitira kuti mabhizimusi ave anoendeka.

“Kuchengetedzwa kwemari inozobatsira vana muraramo yavo (Guardian Fund) kwakakosha nekuti kunoita kuti vararame zviri nyore sezvo pfuma yavo vanenge vakachengeterwa zviri pamutemo pasina anovambunyikidza.

“Mari iyi inoita kuti vana vakwanise kuenda kuchikoro, kuwana chikafu, utano hwakanaka nezvese zvinobatsira mukusimukira kweupenyu hwavo. Zvekare, patinoshanda nevanhu vanenge vafirwa nehama dzavo, zvakakosha kuti tigone kutaura navo zvakanaka asi zvinoda dzidziso kuti tikwanise kuvabatsira.

“Nomusi wa27 Chivabvu gore rino, takaparura Mission Statement yedu itsva yatinofanira kutevedza,” vanodaro Mai Mabhiza.

VaEldard Mutasa vanova Master of High Court vanoti chirongwa ichi chichabatsira zvakanyanya vashandi vemuhofisi yavo kuti vaite basa ravo nemazvo.

VaEldard Mutasa

“Vose vanoshanda kwaMaster of High Court takavaunganidza kuti vazive donzvo redu sebazi. Izvi zvinobatsira kuti pasazova nezvinyunyuto zvakawanda mumabasa zvichibatsira zvekare mukusimudzira upenyu hwevanhu. Hofisi yeMaster of High Court inoita zvenhaka mumatunhu ese, zvemakambani nekuchengeta mari yevana vari pasi pemakore 18 okuberekwa.

“Kune mamwe makambani anenge ava kuda kuvhar wa nekuda kwekuoma kwezvinhu saka Hurumende yakaunza mutemo mutsva mugore ra2018 unonzi Cooperate Rescue apo makambani iwayo tinoabatsira kuti adzokere pekare. Saka zvinoita kuti nyika ienderere mberi uye kuti vanhu vasarasikirwe nemabasa,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>