Uncategorized

‘Shandirai budiriro yeZim’

16 Dec, 2016 - 00:12 0 Views

Kwayedza

VADZIDZI vanenge vapedza fundo munyika muno vanofanira kushandisa ruzivo rwavo mukuvandudza budiriro yeupfumi hweZimbabwe.Mashoko aya akataurwa nemukuru wekoreji yeMt Camel Institute, Professor Mufaro Gunduza, muHarare svondo rapera apo vadzidzi 40 vepo vaipemberera kupedza zvidzidzo zveDiploma in Business Intelligence.

“Kupedza kwaita vana ava zvidzidzo kunoreva kuti vava neruzivo maererano nezvemabhizimisi pamwe chete nekugona kuongorora mamiriro eupfumi hwemunyika nekugadzirisa panoda kugadziriswa.

“Havana kudzidziswa kuti vaite basa rekupomera vamwe mhosva munyaya dzezvinhu zvinenge zvichida kugadziriswa munyika asi kuti basa ravo ndere kuongorora nekugadzurudza kuburikidza neruzivo rwavakawana mukudzidza kwavo,” vanodaro Professor Gunduza.

Vanoenderera mberi vachiti: “Kune vamwe vana vechikoro vanoti pavanongopedza zvidzidzo zvavo, vava kutotsvaga mapasipoti ekuti vaende kunosevenzera kune dzimwe nyika vachiti mavo hamusi kusevenzeka. Vanhu vakadai vanofanira kuziva kuti kunyika dzavanenge vachienda ikoko vachiti kwakanaka hakuna kungotanga kwakadaro, asi kuti dzakatogadzirisawo upfumi hwadzo.”

Prof Gunduza vanoti zvakakosha kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvibatane mukusimudzira upfumi hwenyika.

“Sezvizvarwa zveZimbabwe, tinofanira kushandisa pfungwa dzedu, kunyanya vanhu vari kupedza zvidzidzo mukuvandudza upfumi hwedu. Izvi zvinogonekawo kana mayunivhesiti pamwe chete nemakoreji edzidzo yepamusoro achidzidzisa zvidzidzo zvinonangana nekugadzirisa matambudziko atiri kusangana nawo,” vanodaro Prof Gunduza.

Mashoko avo anotsinhirwa nemutevedzeri wasachigaro webhodhi reNational Railways of Zimbabwe, Retired Brigadier General David Chiweza, vachiti kuuya kweruzivo rwechizvino-zvino kunofanira kubatsira mukuvandudza upfumi hwenyika.

“Zvave kuda kuti vadzidzi vafambirane nenguva kuona kuti vangapedza sei matambudziko atiri kusangana nawo munyaya dzeupfumi vachishandisa ruzivo rwechizvino-zvino.

“Zvidzidzo zvakaita seDiploma in Business Intelligence ndizvo zvimwe zvinoenderana nenguva yatiri. Chishuwo changu ndechekuti kudai vari kuita zvidzidzo izvi vakwanisa kugona kushandisa ruzivo rwavo mukugadzirisa upfumi hwenyika yedu,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>