Shasha yekudhirowa paEastridge Primary

21 Aug, 2014 - 00:08 0 Views

Kwayedza

PAKANGE pasingadanwe anonzwa pachikoro cheEastridge Primary School, muHarare, nguva pfupi yadarika apo vana vakaita makwikwi ekudhirowa mifananidzo yakasina-siyana.
Muhurukuro naArts Club Director wepachikoro ichi, Mai Ethel Mtetwa, vakati vakatanga kirabu iyi zvichitevera kurudziro yakaitwa nebazi remitambo tsika nemagariro, yekuti zvikoro zvikoshesewo zvidzidzo zvekudhirowa.

Vanoti vamwe vana vanokwanisa kuzowana raramo mune remangwana kubva mukudhirowa.

“Takatanga Arts Club patakapihwa gwaro rePrincipal Circular Number 28 of 2010 iro rinoti kunofanirwa kuva nezvidzidzo zvemitambo, tsika nemagariro muzvikoro zvese zvakare kuti patemu yoga-yoga kunofanirwa kuitwa dopiro rekuratidza matarenda emawoko evana vechikoro,” vakadaro Mai Mtetwa.

“Magwaro ose anokwikwidza mukudhirowa kubva kuECD kusvika Grade 7 uye tine mazuva atinovaitisa zvizidzo zvekudhirowa.”

Vanoti pachikoro chavo vane mwanasikana ari muGrade 3, Samara Chigumbura, uyo ane mukurumbira wekudhirowa.

Muhurukuro naSamara anoti zvekudhirowa akaberekwa zviri maari. “Ndakakura ndichifarira zvekudhirowa mifananidzo uye ndinofarira kudhirowa mifananidzo yakasiyana-siyana ,” akadaro Samara.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey