Shasha yemujaho Gatlin anogona kuregererwa

17 Oct, 2014 - 09:10 0 Views

Kwayedza

shasha yemujaho wekumhanya yekuAmerica, Justin Gatlin, onzi ane kodzero yekuregererwa namazvikokota akabatsira pakuferefeta nekuongorora kushandisa zvinodhaka kwaiitwa neshasha yekuchovha bhasikoro, Lance Armstrong.

Achitaura, chamangwiza weUnited States Anti-Doping Agency, Travis Tygart, anoti anodaira kuti vatambi vose vanobatwa pamuchina kuti vari kushandisa zvinodhaka kana kuti mishonga isingatenderwi vanokodzera kupihwa mumwe mukana. Gatlin, uyo parizvino akambopihwa mutongo wekuti ambomira zvemitambo kanokwana kaviri, ndiye shasha yekumhanya pasi rose.

“Kana munhu atyora murau, anoshandira mutongo waanenge apihwa odzoka kuzoenderera mberi nemitambo uye ndipo pane chimwe chikonzero chemirau, tinoda kuti munhu azoregererwa,” akadaro Tygart. Gatlin akadzoka asinganzwisisike paakapedza kushandira mutongo uyo waimumisa kupinda mumakwikwi ose mugore ra2011 asi gore rino akazezesa nekuhwinha kwaaingoita.

“Pane tsvakurudzo yezvesainzi yakaitwa inoratidza kuti mashandiro anoita mishonga yemasteroids akaiswa mumbeva asi hapana inoratidza zvaanoita muvanhu,” akadaro Tygart.

Tygart ndiye akabuditsa pachena kushandisa mishonga isingatenderwi kwaiitwa naArmstrong mugore ra2012.

“Zvinombunyikidza vamwe, zvinofadza uye zvinofanira kutevedzerwa nevatambi nevatsigiri mitemo inototemerwa zvakaringana,” akadaro Tygart. Kune mutambi anotyora murau, Tygart anobvuma kuti pane kakusanzwisisika kanomutevera kwese kwaanoenda asi hazvinei nechekuita nemutemo, zvinhu zvinongofungwawo nevanhu. Kutanga kwesvondo rino, Lord Coe, uyo angangoita mutungamiri weInternational Association of Athletics Federations (IAAF), aiva nedambudziko guru naGatlin uye akaudza vatori venhau kuti vanotora zvinodhaka vaizofadzwa nezvavanenge vakohwa kuburikidza nekubiridzira kwenguva refu apo vanosiya zvemitambo.

Asi Tygart anoti tsvakurudzo yeOslo yainge isiri yekutanga kuratidza kuti zvaikonzerwa nemishonga yemasteroids pambeva ndizvo zvinoitika pavanhu uye kusvika parizvino hapana ainge agona kuratidza kuti izvi ndizvo zvinoitika pavanhu.

Pasi pemutemo wakavandudzwa weWorld Anti-Doping, uyo uchatanga kushandiswa muna Ndira gore rinotevera, vose vachabatwa nemhosva yakadai vachatarisana nekumbomiswa zvemitambo kwemakore mana kusiyana neapo vaitemerwa makore maviri chete. Izvi zvinoreva kuti vanenge vabatwa nemhosva iyi vanotadza kupinda mumakwikwi emaOlympics. “Kupa mutongo wakafanira kunosungira kuti tishandise mitemo asi kana zvesainzi zvichiti tinofanira kushandura mitemo ndizvo zvinenge zvavapo, tinoita saizvozvo,” akadaro Tygart.

Gatlin haasi ega chizvarwa chekuAmerica chakapinda muna taisireva nekuda kwenyaya dzakadai sezvo makore mashoma adarika Tyson Gay, uyo akamboita shasha yepasi rose katatu, akambobatwa kuti ainge aishandisa mishonga isingatenderwi.

Gay akamiswa kupinda mumakwikwi kwegore rimwe chete nesangano reUnited States Anti-Doping Agency (USADA) pamwe nekutorerwa menduru yesirivha yaakahwinha kumaOlympics ayo akaitirwa kuLondon mugore ra2012.
“Chiripo ndechekuti tinonzwisisa nyaya yacho yese,” akadaro Tygart.

“Kuti tipe vechidiki mukana tinofanira kubvisa vakuru vezvikwata, vanachiremba pamwe nevarairidzi vane pfungwa dzakan’ora dzinosvibisa mafungiro evatambi nekuti kana vakaramba varipo hapana pavachachena vatambi vedu, vanenge vakan’orawo,” akadaro Tygart. — BBC Sport News.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey