Shaya, Chunga naMadinda vapihwa dzimba

15 Sep, 2021 - 09:09 0 Views
Shaya, Chunga naMadinda vapihwa dzimba

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA dzakambonetsa mumutambo wenhabvu mushakabvu George “Mastermind” Shaya, Moses “Bambo” Chunga naMadinda Ndlovu nhasi vapihwa dzimba namuzvinabhizimusi ane mukurumbira Kuda Tagwirei sekuvatenda.

Mhuri yemushakabvu Shaya – uyo akashaika masvondo adarika yapihwa imba inokosha US$120 000 kuchiti Chunga naNdlovu vapihwawo dzimbi dzinokosha US$90 000 imwe neimwe.

Achitaura pachiitiko icho chaona Sakunda Holdings ichiparura rutsigiro kuzvikwata zviviri zvakatambirwa nevatatu ava – cheDynamos necheHighlanders – Tagwirei avimbisa kupa mhuri yaShaya imba pamwe chete naChunga naMadinda.
“Takabva kusiiwa namudhara Shaya, saka tinoda kuti mhuri yavo igare yakasununguka ichiziv kuti vakashandirwa. Naizvozvo ndiri kupa mhuri yake imba yeUS$120 000.

“Ndinopawo Chunga imba yeUS$90 000 naMadinda zvekare yakewo yeUS$90 000,” anodaro.

Tagwirei avimbisa kupa mota kuvarairidzi vezvikwata zveDynamos neHighlanders pamwe nevatungamiri vezvikwata izvozvi.
“Varairidzi nemakeputeni ezvikwata izvi kana murimo mangwana muuye kuzondiona mutore mota dzenyu,” anodaro Tagwirei.

Share This:

Sponsored Links