Shona inokosha

13 Jan, 2017 - 00:01 0 Views

Kwayedza

TINOTI makorokoto makuru tapinda muna2017. Tinoda kurumbidza Musiki nekutipa mumwezve mukana wekutanga rimwe gore nekutisimudzawo, hezvo pfacha mugwaro rechinomwe.

Tanga tiri mugwaro retanhatu umo mune zvamowo. Mugwaro rechinomwe mune zvemowo uye zvati korei muto kudarika zvegwaro retanhatu.

Bvunzo ratinozonyora kupera kwegore rakatosiyana zvikuru nebvunzo ratakanyora kupera kwegore rapfuura zvoreva kuti madzidziro acho akatosiyanawo. Chakakosha mugwaro rechinomwe kubuda zvakanaka muzvidzidzo zvese zviri zvina kuti ugozowana nzvimbo zvisina dambudziko muzvikoro zvepamusoro (secondary school).

Bvunzo iroro rakanaka chose nekuti rinotsaura vana richivaisa muzvinzvimbo zvepamusoro. Kana uri uchaenda kuzvikoro zvemhando yepamusoro zvoreva kuti wotochama kuita dzokorodzo kuti ugowanikwa uriwo wemhodzi yepamusoro.

Wakaitawo zinyekenyeke unopinda muzvikoro zvavana dutavosechikuruimari. Hatisi pakutyisidzirana asi kuti tiri kubudirana pachena kuitira kuti uzviise pako chaipo nguva ichiripo.

Chinonetsa pagwaro irori ndechekuti kana watoideura watoideura uye kana watosara ndizvozvo, watosara.

Zvandatura pamusoro izvi zvinotsinhira kuti kudini? Zvinotsinhira kuti bvunzo ndiwo musimboti. Bvunzo rapfuura rakatiburitsira zvakasiyana-siyana. Zvirokwazvo vana vakarikita chikoro.

Zvikoro zvizhinji, zvemumadhorobha kunyanya, zvakaburitsa vana vakapfuura zvikamu makumi mashanu kubva muzana (50%). Mubvunzo dzose dzakanyorwa, zvakaratidza kuti zvidzidzo zvakadzikisira goho revana iShona neKondendi (General Paper). Kana chiri chiShona, vana vanoti pasirei kure zvekuti vaiwandira kubva pamatanhatu kana dziri svomhu (Mathematics) zvibodzwa (1) hazvitoverengeki nekuwanda. NechiRungu chakaburitsa zvakare zvibodzwa zvemhando yepamusoro.

Vana vazhinji vaidherera chiShona nekudaro havana kuchipa nguva zhinji kune zvimwe zvidzidzo. Izvozvo ndizvo zvakadzikisira goho ravo chose. Chokwadi waiona mwana aine (Maths – 1, English – 1, General paper – 1, Shona 5).

Hapano pakunotsvaga nzvimbo, zvikoro zvepamusoro zvobva zvaramba. Apa nyaya ndeyekuti vana havasi kukoshesa chiShona sezvavanofanira kuita.

Iwo mamiriro chaiwo anga akaita pepa racho, kunyanya pepa rekutanga (paper 1), vana havaifanira kuita dambudziko nekuti mupepa umu manga musina mutauro wakawanda. Changa chakabata basa iroro yaiva nzwisiso. Zvinoreva kuti vana vakarasika pakupindura mibvunzo yenzwisiso.

Zvakadaro zvinodzoka zvakare pakuti pakanga pasingakosheswi kuitwa kwenzwisiso panguva yedzokorodzo.

Kana iri misoro yenyaya yepepa repiri yakanga yakapfava chose uye mikana yekuwana zvekunyora yanga yakawanda zvakare. Dambudziko rinouya pakuti nguva inopihwa chiShona ishoma.

Nguva zhinji inopiwa kuzvimwe zvidzidzo kunyanya kuchiRungu nesvomhu. Zvinoonekwa chaizvo muzvikoro umu kuti nguva yeShona yozongotsvagirwa kanguva kekungonzi verengai peji yakati mopindura mibvunzo gumi inotevera. Mhosho dzevana dzavanoita dzinobuda mukutaura navo, zvino kana vachingoita vega pasina kutaura navo mhosho idzodzo dzinogadzirwa sei.

Rondedzero dzevana dzinoda kupihwa dzidziso yakakwana kuti vana vagone kunyora bhwasvisvi hunonyerekedza pfungwa dzemukwenyi webasa. Chinhu chese chikabatwa zinyekenyeke nemagumo acho chinongowawo zinyekenyeke.

Nokudaro kurudziro yangu ndeyekuti chiShona ngachipihwe nguwa yacho yakakwana kuitira kuti vana vasazopasira kure kure mukupera kwegore.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey