Uncategorized

Simudzirai zvivakwa: ed

16 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Simudzirai zvivakwa: ed President Mnangagwa

Kwayedza

Fidelis Munyoro
PRESIDENT Emmerson Mnangagwa vanoti zvakakosha kuti pave nekusimudzirwa kwezvivakwa muzvikoro zvedzidzo yepamusoro kuitira kuti vadzidzi vakawanda vawane mukana wefundo pamwe nekudyidzana kwakasimba nemapoka anoona nezvedzidzo.

President vakataura mashoko aya svondo rapera pamusangano wekusimudzira zvivakwa, weHigher and Tertiary Education Infrastructure Investment Conference, uyo wakaitirwa muHarare uye wakapindwa nenyanzvi dzefundo, vemabhengi, vamiriri vevadzidzi nevatsigiri vekunze kwenyika avo vakavimbisa kutsigira Hurumende muzvirongwa zvayo.

President Mnangagwa vanokurudzira vatsigiri vemuno nevekunze kwenyika kuti vatore mukana wekuvepo kwechirongwa cheHurumende chekuve yakasununguka munyaya dzekusimudzira mabhizinesi (open-door business policy) kuti vange vachibatsira chikamu chedzidzo.

“Tinofanira kukoshesa nyaya dzekusimudzira zvivakwa zvemumakoreji nemayunivhesiti kuitira kuti zvizvarwa zvemangwana zvibure vadzidzi vazere avo vanokwanisa kuwana mabasa pasi rose,” vanodaro Cde Mnangagwa avo vanove zvakare Chancellor wemayunivhesiti eHurumende.

Vanoti mikana yekupinda munyaya dzekusimudzira zvivakwa izvi yakawanda.

“Zimbabwe iri kuramba ichikwikwidza panyaya dzekugona mabasa pasi rose nekuda kwekuti dzidzo yedu iri kuramba ichibura vadzidzi vanodiwa munyika muno nepasi rose,” vanodaro President Mnangagwa.

“Zvinosuwisa, zvisinei, kuti zvivakwa muchikamu chedzidzo hazvichakwanirana nekuda kwezvikonzero zvinosanganisira kuwanda kuri kuita vadzidzi nekusavakwa kwezvimwe nekuda kwekushomeka kwemari.”

President Mnangagwa vanoti donzvo reHurumende nderekuva nezvivakwa zvemhando yepamusoro zvakadai semakamuri ekudzidzira, malaboratories ane zvekushandisa zvinokwanirana, dzimba dzekugara dzevadzidzi pamwe nenhandare dzemitambo yakasiyana.

“Izvi zvinobatsira mukuburwa kwevadzidzi vemhando yepamusoro avo vanozogadzira zvinhu zvemuZimbabwe zvepamusoro-soro izvo zvinokwanisa kukwikwidza pamisika yemuno neyepasi rose,” vanodaro.

Vanoti panofanira kuve nechirongwa chisingadhuriri vadzidzi apo vanozodzosera mari dzechikwereti dzavanenge vapihwa pavanenge vachifunda kuitira kuti vakawanda vavo vasagumire chikoro panzira nekuda kwekushaya mari.

President Mnangagwa vanokurudzira makambani akazvimirira kuti abatsire mukusimudzira fundo munyika kuburikidza nekupa mabhezari kuvadzidzi pamwe nemukana wekufundira mabasa.

Vanoti vanoona Zimbabwe ichibudirira zvikuru munyaya dzeupfumi panosvika gore ra2030.

“Kuti chiono ichi chinge chichizadzikiswa, tinofanira kunge tichikoshesa nyaya dzekushandisa michina yechizvino-zvino pamwe nekushanda nesimba muzvikamu zvose zveupfumi hwenyika,” vanodaro President Mnangagwa.

“Zvikoro zvedzidzo yepamusoro zvine basa guru rekuvaka Zimbabwe yatinodada nayo tose.”

President Mnangagwa, avo vanogara vachisangana pamwe nekukurukura nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, vanoti vanonzwa kuzvininipisa nekuda kweshungu dzavainadzo mukusimudzira nyika ino.

Vanokumbira zvizvarwa zvemuZimbabwe zviri kunze kwenyika kuti vashandise ruzivo rwavawana mubudiriro yenyika.

Pagungano iri, vamiriri vemayunivhesiti nemakoreji vakataura pamusoro pezvimwe zvivakwa zvavari kuda semalibrary emhando yepamusoro, makamuri evadzidzi ekufundira nedzimba dzavanogara pamwe nedzevarairidzi.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>