Uncategorized

Siriri dema rerima

01 Oct, 2015 - 00:10 0 Views

Kwayedza

WHATSAPP yakonzeresa zvinhu zvakawandisa muupenyu hwedu. Kune makuva, kune vane mavanga nemichato yakapera, hushamwari hwakaparara, hunhu hwakafumurwa nekunyeperana kwakakonzerwa neWhatsApp.

Dambudziko reWhatsApp nderekuti chero benzi kana munhu kwaye anogona kunyora zvaanoda ozvitumira kune vamwe, vamwe vobva vazvitumirawo kune vamwe kudzimara zvatekeshera. Zvinhu zvepaWhatsApp hazvina muridzi.

Pazvinhu nemashoko ari kupotserwa nekutambidzanwa paWhatsApp, zvimwe zvacho zvakanaka, zvinovaka nekudzora vanhu. Asi kune mamwewo mashoko nemifananidzo iri kumhanya isina kupfeka nemumafoni edu.

WhatsApp chikero chehunhu hwemunhu. Zvaunogashira nekutumira paWhatsApp zvinotaura kuti uri munhu akaita sei. Kana uchitumirwa nekutumira mapikicha evanhu vasina kupfeka nezvimwe zvisingaite, uchenjere kuti uri kugeza mushawa yesuweji nesipo yerufu, uchishandisa tauro rehumbwa.

Zvinonzi chapinda munzeve chawaridza bonde, zvimwe chetewo nechapinda muziso. Chaonekwa nemaziso chinonowaridza bonde racho mupfungwa nemwoyo wako, uye hachibudemo kusvikira chakuuraya. Mwari havadhakwe, vakatiudza kuti tichengetedze mwoyo yedu. Kana tikasachengetedza mwoyo yedu, tinoisasika pamoto wekurasika nekuda zvinhu, zvekuti tinopedzisira tafanana negava riri mune imwe ngano rakanga ratambura nenzara rikazobata muswe waro rikaudya.

Ndine shoko randakatumirwa nehanzvadzi yangu paWhatsApp. Handizive kuti nderechokwadi here kana kuti sekutaura kwemunin’ina wangu, ndiko kuti WhatsApp kwacho – zvese zvinongowanikwa ipapo.

Shoko rehanzvadzi yangu rakanga richiti nyanzvi dzekuAmerica dziri kuti zuva richadzima mumwedzi waMbudzi kwemazuva akawanda. Zvainzi hameno zvichange zvichiitika mudenga nekuda kwenyenyedzi dzichange dzichipesana nemapuraneti. Zviri kunzi kuchange kuine rima kubva mangwanani kusvika husiku kwemazuva akawanda pasi rose. Zvakandityisa.

Asi ndakazoti ndaramba ndichifunga kuti ichokwadi here kana kuti kwete, ndakazoti dai takazviudzwawo neveCivil Protection Unit muno. Asiwo zvakare, ndakati kuri kuti zvaitika, ndingafare zvikuru nekuti Mwari vanenge vatizunguza kuti tizive kuti ndivo Mwari vakasika denga nenyika.

Kana zuva rikadzima, zvichabatsira kuti vanhu tione kuti magetsi edu nemakenduru haasi zuva. Kana zuva rikadzima, vanhu tichaziva kuti nyika ino ine muridzi. Tichaona simba raMwari sezvakaitwa nevanhu vekuEgypt paye Jehovha pavakati kuna Faro siya vanhu vangu vaende.

Kana zuva rikadzima, tichafunga Mwari. Tichaona vanhu vachinamata nekureurura zvivi. Tichaona maporofita atekeshera nenyika achiudza vanhu sezvakaita Peter paye paakanga azobata hove zhinji dzakaita kuti zvikepe zvitange kun’yura kuti, “Ishe ibvai kwandiri ndiri mutadzi.”

Kana zuva rikadzima, nepfungwa dzevanhu vazhinji dzichadzima, uye vamwe vanotogona kupenga chaiko. Nekuti pandakambogara kunyika yeNorway, ndakanga ndisingazive kuti zuva rinogona kusadoka. Kunze kwaingoramba kuine zuva, ihwo hwave husiku.

Izvozvo zvaikonzera vanhu vazhinji kuti vavhiringike mumusoro, nekuti vainge vasingagone kurara. Zvino kana nesuwo zuva rikadzima, rima racho rinogona kunge riri rima gobvu zvekuti ukapotsera tsvimbo inopaikira. Rima gobvu zvekuti unosendeka bhasikoro! Ipapo ndipo patichanzwisisa basa guru rakaitwa naMwari panonzi, “Pakutanga, Mwari akasika denga nenyika. Nyika yakanga isina chinhu . . . rima rakanga riripo. Mwari akati ngachivepo, chiedza chikavepo.”

Chiedza chinoreva kuve naJesu zvekuti nyangwe uri mukati merima rinochekeka nebanga kunge keke, hautye.

Saka ehe, pamwe zuva rikambodzima, rima ronanzva nyika nerurimi rwunosiya siriri dema, vanhu vangatirimuke vakaziva kuti kuna Mwari kudenga anotonga nesimba.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey