Sterling amire pakaoma

16 Apr, 2015 - 00:04 0 Views

Kwayedza

LIVERPOOL inoti ichakurukura naRaheem Sterling mushure mekunge pabuda vhidhiyo yake achitora zvinodhaka zvisingatenderwe zvinonzi nitrous oxide.

Mifananidzo yakaburitswa padandemutande reThe Sun inorakidza Sterling achiita chadzimira mushure mekunge atora zvinodhaka izvi, izvo zvinonzi zvinodhaka zvikuru.

Nyaya iyi yakabuda apo Sterling aitambira chikwata chake mumutambo waakanwisa apo Liverpool yakakunda Newcastle kuNhandare yeAnfield. Mutauri wechikwata ichi akati, “Tiri kuziva nezvenyaya iyi uye tichakurukura nemutambi uyu. Kana paine danho richatorwa tichagadzirisa nyaya iyi”.

Maneja weLiverpool, Brendan Rodgers, akaudza Sky Sports chikwata chake chichangobva kukunda Newcastle 2-0 kuti, “Muchikwata chedu tinogaro gadzirisa nyaya dzakadai. Mupfana mudiki, anoziva kuti maziso akawanda anogara ari paari uye anoziva zvinotarisirwa kubva kwaari mumutambo wenhabvu.

“Kwete munhandare chete, chero kunze uko, ndichagara pasi naye ndokurukura naye pamusoro penyaya iyi, toenda mberi”.

Achitaura nevatori venhau, Rodgers akati, “Kwandiri kana uri mutambi wenhabvu wepamusoro izvi zvinhu zvausingatenderwe kuita. Ndizvo chete.” — Sky Sports News.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>