Take Money orongera mabhande eWBC

08 Feb, 2024 - 19:02 0 Views
Take Money orongera mabhande eWBC Kudakwashe 'Take Money' Chiwandire

Kwayedza

Abel Ndooka

CHIKWATA chemutambi wetsiva wechidzimai ane bhande reWorld Boxing Council Interim Title – Kudakwashe ‘Take Money’ Chiwandire – chinoti shasha iyi yave kutanga gadziriro yakatarisana negore iro vanotarisira zvikuru kubva kwaari sezvo anoda kurwira mabhande makuru eWBC.

Gore radarika, Chiwandire akarwa ndokukundwa naYamileth Mercado wekuMexico apo airwira bhande raive naMercado reWBC Super-bantamweight.

Rwendo rwake kuenda kumutambo uyu nezvakazoitika kunyika yeMexico hazvina kufadza chikwata chake uye nevariridzi vake avo vakanyorera kuWorld Boxing Council vachipa zvinyunyuto zvavo.

Muhurukuro, murairidzi waTake Money arizve maneja wake – Clyde Musonda weDeltaforce Boxing Academy – anoti gore rino vari kuronga kuti Chaiwandire azame kurwira zvekare bhande reWBC sezvo mutambo wekupedzisira uyo aida kurwira bhande iri wakange usina kurongwa nemazvo zvisina kuvafadza.

“Gore rino, tine hurongwa hwaTake Money nekuti tiri kuda kuti tirwire zvekare bhande reWBC nekuti mutambo wake wekupedzisira hauna kutifadza nekuti zvakaitika zvakange zvisina kunaka,” anodaro Musonda.

Anoti kutanga munaKubvumbi, Chiwandire achatamba mitambo yakasiyana.

“Kutanga munaKubvumbi, Take Money acharwa mitambo yakasiyana ichabatsira kuti asimukire segadziriro rerwendo rwekurwira mabhande akasiyana.

“Mitambo iyi yakakosha uye tinoda kuti agorwa nevatambi vepamusoro chete,” anodaro Musonda.

Gore radarika, Take Money aifanirwa kurwa naUrvashi Singh wekuIndia mumutambo uyo waifanira kutambirwa kuAustralia asi wakazotadza kubudirira sezvo magwaro ake (Take Money) ekufambisa asina kubuda nenguva.

Musonda anoti chikwata chavo chiri muhurukuro nechaSingh kuti mutambo uyu ugotambirwa kuIndia gore mumwedzi inotevera.

“Kutaura kuno tiri muhurukuro nechikwata chaSingh kuti tironge patsva mutambo wevatambi vedu sezvo gore radarika pataida kuronga mutambo wevaviri ava wakatadza kubudirira nekuda kwezvikonzero zvakatitadzisa.

“Saka mutambo waSingh uriko munguva pfupi inotevera uye tichaenda kunotamba naye kunyika yake kuIndia,” anodaro Musonda

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>