Take Money orongera Munoz

14 Jul, 2022 - 09:07 0 Views
Take Money orongera Munoz Kudakwashe ‘Take Money (pakati) Chiwandire aina Clyde Musonda (kuruboshwe) naLawrence Zimbudzana anove chamangwiza wesangano reZimbabwe National Boxing and Wrestling Control

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yetsiva yeWorld Boxing Council (WBC) Female Super-bantamweight – Kudakwashe ‘Take Money’ Chiwandire – oenda kuSouth Africa kunosimbaradza gadziriro dzemutambo waakatarisana nawo naZulina Munoz wekuMexico.

Svondo radarika, Take Money akapihwa rutsigiro nekambani yeKGK Logistics iyo iri kumubhadharira mari yendege kuenda kuSouth Africa nepekugara panguva yaanenge achiita gadziriro dzake kunyika iyi.

Take Money naMunoz vari kutarisirwa kurwa nemusi wa27 Nyamavhuvhu kuHarare International Conference Centre (HICC).

Chiwandire anoti rubatsiro rwaakapihwa rwekuti aende kuSouth Africa kunoita gadziriro dzake ruchabatsira zvikuru uye ndokupa chivimbiso chekuti achashanda nesimba kuti agochengetedza bhande rake.

“Handina neremuromo, asi kungotenda chete masangano ese ari kuuya achindibatsira mugadziriro dzangu ndakatarisana nemutambo wangu mukuru uri kutevera naZulina Munoz.

“Zvakandikoshera zvikuru kuona ndichirangarirwa uye ndinofara chaizvo nekuti kusimudzirwa kwemwanasikana.

Saka ndinopa kutenda kukuru nerutsigiro urwu, dai zvikaramba zvakadaro.

“Ndinovimbisa kuti ndichashanda nesimba kuti bhande rangu randinaro rirambe riri muno risabude, mureza wenyika yedu yeZimbabwe urambe uchisimudzirwa,” anodaro Take Money.

Murairidzi pamwe namaneja wake – Clyde Musonda – anoti vakaronga mitambo yehushamwari yakawanda iyo Chiwandire achanotamba kuSouth Africa nevatambi veko izvo zvichamubatsira zvikuru mugadziriro dzake.

Anoti kuenda naChiwandire kunze kwenyika kunoita gadziriro kunopa mutambi uyu nguva yekuti angofunge zvegadziriro dzake pasina zvimwe zvinomukanganisa.

“Tangosarirwa nemwedzi mumwe chete kuti mutambo uchisvika. Saka zvakakosha kuti nguva yatiri ino Take Money anyatsoita gadziriro dzake munzvimbo yakasununguka isina chinomukanganisa.

“Naizvozvo tinotenda hama dzedu dzatibatsira kuti tigoenda kuSouth Africa uko tichanoita gadziriro dzedu kusvika tidzoke kuzosangana naMunoz. Takaronga mitambo yakawanda ichaona Take Money achisangana nevatambi vetsiva vekuSouth Africa vakasiyana izvo zvichibatsira gadziriro dzake.

“Munoz tinomuziva kuti ishasha asi isu tichamurakidzawo kuti Chiwandire ishashawo zvekare uye bhande redu harisi kuzobva muno, richasara muno,” anodaro Musonda.

Chiwandire akahwina bhande reWBC Female Interim Super-bantamweight mushure mekukunda Cathrine Phiri wekuZambia mwedzi yadarika.

Izvi zvakabva zvaona vatambi vakawanda vekunyika dzakasiyana vachida kusangana naye kusvika iye nechikwata chake vazosarudza Munoz.

Akakunda Munoz, anenge ave kukwanisa kuenderera mberi mumutambo uyu opihwa mukana wekurwira bhande reWBC Super Bantamweight Gold iro rina Yamileth Mercado wekuMexico zvakare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>