Uncategorized

Tambomira matare: Madzishe

27 Mar, 2020 - 00:03 0 Views
Tambomira matare: Madzishe Mambo Zimunya

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MADZISHE emuZimbabwe anoti vari kutevedzera zvose zviri kutaurwa neHurumende mukurwisa kupararira kwecoronavirus uye vakatomisa kuita matare ekutonga mhosva dzinenge dzaparwa sezvo pavanotongera pachiungana vanhu izvo zvisiri kukurudzirwa.

Mambo Chihota VaRaphael Ngoni Chigodora vanoti vakambomisa kutongwa kwemhosva mudare ravo.

“Takambomira matare svondo rakapera, hatidi kupinza upenyu hwevanhu parumananzombe. Hurumende yakataura saka semadzimambo, tinozvitevedzera,” vanodaro.

Vanoti vari kufamba neveutano vachidzidzisa vagari vedunhu ravo nezvechirwere ichi.

“Harisi dambudziko rekutamba naro saka tinofanirwa kubatsirana kurwisa denda iri nekuti tikaita zvekutamba tinopera,” vanodaro Mambo Chihota.

Mambo Seke VaStanley Chimanikire vanotiwo, “Ini samambo Seke, dare rangu rinotevedza zvinenge zvataurwa neHurumende. Matare edzimhosva takamisa.”

Mashoko avo anotsinhirwa naMambo Goronga VaBoyi Nyamande (50) vekuMudzi avo vanotenda matanho ari kutorwa neHurumende mukurwisa kupararira kweCoronavirus.

“Isu tiri kumuganhu wenyika ino neMozambique apo tinodyidzana nehama dzedu dziri ikoko. Saka Hurumende yedu neyeMozambique dziri kudyidzana kutora matanho ekurwisa denda iri, zvikuru pakufamba kwevanhu,” vanodaro Mambo Goronga.

Mambo Zimunya VaKiben Bvirindi vekuManicaland vanoti vakambomira kuunganidza vanhu mumatare avo.

“Takambomira kutonga mhosva uye svondo rakapera ndakaenda kumusangano weCoronavirus kuMaputo, kuMozambique uko taidzidziswa.

“Takaona kuti kudivi redu reZimbabwe neMozambique kwakaiswa mahealth centres kumiganhu yose. Kuno kumusha tiri kudzidzisa vanhu vedu kuti chirwere ichi chii,” vanodaro Mambo Zimunya.

Mambo Nyamweda VaClaudious Mandaza vekuMhondoro vanotiwo: “Tiri kushanda zvikuru nevebazi reutano nemasabhuku kuti vakurumidze kutaura varwere vavanofungira kuti vane coronavirus. Matare edu takambomisa.”

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey