TARONGEKA: CAPS UNITED

01 Feb, 2024 - 20:02 0 Views
TARONGEKA: CAPS UNITED Farai Jere

Kwayedza

Lovemore Dube

CHAMANGWIZA weCAPS United — Farai Jere — anoti mumwaka wenhabvu wa2024 chikwata chake chichange chakarongeka uye chakasimba zvikuru chichatamba nhabvu inonwisa mvura.

Achitaura muhurukuro yaakaita nemunyori uno wezvemitambo weZimpapers, Jere anoti chikwata chake, icho chinorairidzwa naLloyd Chitembwe, chinoda kuchengetedza vatambi vacho vese vepamusoro avo vavaive navo mwaka wadarika uye nekutora vamwe vatsva.

Munguva pfupi yadarika, mubati wepagedhi weKepe-kepe arizve kaputeni wechikwata ichi — Tonderai Mateyaunga — anonzi akaramba kuenda kune zvimwe zvikwata zvaimuda ndokusaina kondirakiti itsva kuCAPS United.

Mumwaka wadarika, Kepe-kepe yange isiri kunyatsotamba nhabvu inonwisa mvura izvo zvakaiona ichipedza yakagara pechisere palogo reCastle Premiership.

“Isu tange takanyarara zvedu tichiita bhizimisi redu uye takakwanisa kuchengetedza vatambi vataive navo gore radarika vaibata basa ndokuzopamhidzira vamwe pamusoro. Saka ndinovimbisa vatsigiri vedu veCAPS United kuti mwaka uno uchange uri wemafaro ega-ega, ndizvo zvatinovambisa,” anodaro Jere.

Jere anoramba mashoko ekuti chikwata chake chizere nevatambi “harahwa”.

Anoti makore haarevi chinhu kunhabvu asi kuti tarenda ndiro rinoshanda.

Jere anopa muenzaniso wekuti kana pakaita mutambi wechidiki anokwanisa kunwisa saRodwell Chinyengetere, William Manondo kana Lot Chungwa havaoni pane chikonzero chavanoregedzera kumutambisa.

“Vanhu vanoti tatsvaga harahwa asi ndivo vatambi vacho varipo. Chatinoda kuti vanhu vanzwisise ndekuti makore emunhu akangofanana nematambiro aanenge achiita.

“Pakauya kamutambi kechidiki kakagona kunwisa saRodwell Chinyengetere, anoregedzerwei kutambiswa bhora?

“Akagona kugohwesa saManondo anoregedzerei kutambiswa? Akagona kugohwesa saLot Chungwa anoregedzerei kutambiswa bhora?

“Tarisai makore evatambi vari kubuda pamaTop goal scorers ndipo pamunoona kuti sachigaro vari kufamba negwara rakanaka,” anodaro.

Mumakore adarika, Kepe-kepe yange ichisangana nematambudziko anosanganisira emari izvo zvaizomboona vatambi vechikwata ichi vachirakidzira uye dzimwe nguva vachiramba kutamba mitambo yakasiyana.

Jere anoti mamiriro ezvinhu akadai aidzorera chikwata chavo kumashure asi gore rino vakarongeka.

“Vanhu havaiswe mutsaga kana kumbunyikidzwa, pese paiita matambudziko emari kuchikwata cheCAPS United maizviona, vatambi vairatidzira zvichionekwa kuti kuCAPS United kune matambudziko ariko. Asi gore rino vatambi vabva kuCAPS United vatobva vachichemera kuti varambe varipo nenyaya yekuti kune kugadzikana, zvinhu zvedu zvakamira zvakanaka.

“Avo vanhu vari kungotaura, kutaura kwevanhu vanenge vari paSocial media, vamwe vari kudoro kuhwahwa uye izvo hazvirambidzwe nekuti ndizvo zvinoita kuti bhora redu rinakidze kana vanhu vachitaura nyaya dzakadaro.

“Asi pane dambudziko munobva mapaona uye isu seCAPS United tega totaura kuti zvakatiomera sezvatakaita paya patakaenda kuterevhizheni, kumapepanhau nekwakasiyana-siyana tichitaura kuti zvinhu zvakatiomera,” anodaro Jere.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>