Uncategorized

‘Tavhurirwa mikana’

14 Apr, 2022 - 12:04 0 Views
‘Tavhurirwa mikana’ VaEngagement Koroka

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VANA muzvinabhizimisi nevakuru vemachechi vanorumbidza kuwana kweZimbabwe kuzvitonga kuzere vachiti kuri kuvavhurira mikana yekuti vasimukire mumabasa avo izvo zvasiyana nenguva yehutongi hwevachena apo ruzhinji rwevatema vaidzvanyirirwa.

VaEngagement Koroka (52), avo vanova muzvinabhizimisi wekudunhu reMashonaland West, vanorumbidza Hurumende nekupa mikana kuvanhu vatema kuti vakwanise kutanga mabhizimisi avo.

“Nyika isati yawana kuzvitonga kuzere, vanhu vatema vashoma vaiva nemabhizimisi sezvoitika mazuva ano. Ini ndine zvitoro zvangu, mabhawa nezvigayo mudunhu redu rino. Ndakawanawo mukana wekuve nemugodhi wezvicherwa izvo zvaizivikanwa zvichiitwa chete nevachena, zvakauya nekuzvitonga kuzere nemusi wa18 Kubvumbi uyo tiri kupemberera,” vanodaro VaKoroka.

Vanokurudzira veruzhinji kuti vabatane mukupemberera zvibereko zvakaunzwa nekuzvitonga kuzere.

“Vechidiki vane chitsama vasimukira nekuda kwemigodhi midiki yezvicherwa yavakapihwa neHurumende rinova basa raizivikanwa richiitwa nevachena chete. Tinoonawo mari yekunze ichipinda munyika medu nekuda kwezvicherwa zvakasiyana zvinoitawo kuti vanhu vawane mabasa,” vanodaro VaKoroka.

Muzvinabhizimisi uyu anoti haakanganwe vakwegura vanova vakaunza kuzvitonga kuzere kudunhu raanoshandira.

“Rusununguko rwatinarwo rwakatsigirwa nevakwegura vatinavo, vamwe vasisakwanise kuzvishandira nekuda kwezvikonzero zvakasiyana. Ndine zvirongwa zvandinoita zvekugaisira hupfu vanhu vose vane makore anodarika 55 okuberekwa zvichienda mberi vandinoisa mubhuku mangu nemisha yavanobva. Ndinoti mwedzi woga-woga, vanogaisirwa bhagidhi rimwe chete pachena uyewo vachipihwa 2kg yeshuga, mupunga, sipo yekuwachisa nemafuta ekubikisa.

“Havasati zvavo vawanda asi nekufamba kwenguva vachadarika makumi maviri vandinavo pari zvino,” vanodaro VaKoroka. Vanoyambira vechidiki kuti vasiyane netsika yekutora zvinodhaka zvisingatenderwe mumuviri.

“Ndinokurudzirawo vechidiki kuti vasiyane nezvinodhaka nekuti ndivo vatungamiri vamangwana,” vanodaro VaKoroka.

Madzibaba Bomba VaFungai Mukundu (45), vechechi yeJordan Apostolic Church yekuChitungwiza vanoti vanoremekedza rusununguko rwenyika rwakaunza kuzvitonga kuzere.

“Kusununguka kwakaita nyika kwakaunza kutambanuka kwezvinhu zvose, kusanganisira nesu vemachechi. Izvozvi tava kunamata pamadiro, tichiwaniswa mikana yekuvamba machechi edu pasina matambudziko,” vanodaro.

Madzibaba Bomba vanoti semunhu anonamatira pedyo nemumugwagwa weHarare-Chitungwiza parwizi Manyame, vanotenda Hurumende nekugadzirwa kuri kuitwa mugwagwa uyu.

“Handigone kusiya kugadzirwa kuri kuitwa mugwagwa weHara[1]re-Chitungwiza nekuti ndimo mumusha wandinogara uyewo ndaiona ndiri pasowe pangu pazambuko apa motokari dzichitadza kufamba nekuda kwemakomba.

“Mugwagwa uyu uri kugadzirwa zvinodadisa uye tinokumbira kuti ugadziriswe kunosvika kuTen Miles tava kuenda kuMarondera,” vanodaro Madzibaba Bomba.

VaFarai Mhariwa (45) vanove muzvinabhizimisi wekwaDzumbunu, kuMhondoro vanotiwo hakuna chinokunda kuzvitonga kuzere kwenyika.

“Isu tiri vanamuzvinabhizimisi vechidiki vaisatarisira kuti rimwe gore tichawanawo mukana uyu, asi nekuda kwerusununguko rwehutongi hwevatema, takazviita uye vazhinji vave kutoshandawo vari pasi pangu vachirarama,” vanodaro VaMhariwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>