Abel Ndooka
SANGANO reNational Athletics Association of Zimbabwe (NAAZ) rinoti richishandisa mujaho weBaldmin Holdings Triangular Series, uyo uchaitwa svondo rino, kuumba kuchikwata cherelay cheTeam Zimbabwe chichanokwikwida kumutambo mukuru weWorld Relays Challenge.
Mujaho weWorld Relay uchaitirwa kunyika yeBahamas munaKubvumbi.
Mutungamiri weNAAZ – Tendai Tagara – anoti svondo rino pachaitwa mujaho weBaldmin Triangular Series muHarare, NAAZ ichaumba zvikwata zviviri zvinoti chevarume chine vamhanyi 15 nechemadzimai chine vatambi 15 zvekare.
Zvikwata izvi zverelay zvichanomhanya mijaho inosanganisira ye4x100m ne4x400m.
Tagara anoti kana vaumba chikwata cheTeam Zimbabwe, vachachitumira kuBotswana neZambia uko kuchaitwa mijaho yekurwira tikiti rekuenda kuBahamas.
“Svondo rino, tiri kuumba chikwata chedu cherelay chatinoda kutumira kuBahamas kumujaho mukuru weWorld Relay Challenge.
“Chikwata ichi chichange chine varume 15 nemadzimai 15 uye tichavatumira kuZambia neBotswana uko kuchaitwa mijaho yekurwira kuenda kuBahamas. Mijaho iyi vanofanirwa kuipedza nenguva inodiwa kuti vagobudirira kuenda kuBahamas.
“Naizvozvo svondo rino tiri kutarisira kuona shasha dzakawanda dzichiuya kuzokwikwidza uye tiri kuda kuumba chikwata chepamusoro chichazoenda kunokwikwidza kumijaho yakasiyana kunze kwenyika,” anodaro Tagara.
Zvakadaro, NAAZ ichapa mibairo kune shasha dzekumhanya pamabiko achaitwa muHarare nemusi weChishanu chino.
Mabiko aya ndeekutanga kuitwa padarika makore 20 uye achaona vatambi vachirwira mibairo inosanganisira Senior Men, Senior Women, Junior Men neJunior Women.
Varairidzi vachapihwawo mibairo.
Tagara anoti sesangano vakaona zvakakodzera kuti vape mibairo kuvatambi.
“Gore ra2023, vatambi vedu vakadadisa zvikuru kumijaho yakasiyana. Tine vatambi vakahwina menduru kuMauritius kumujaho weAfrica Senior Championships saka zvinhu zvatakaona kuti tinofanirwa kuzvikudza nekuzvitenda nekupawo mibairo yakasiyana.
“Mibairo iyi tichaipa kuvatambi vari muno pamwe chete nevari kunze kwenyika,” anodaro Tagara.