The Heart Stadium iri pamberi

17 Dec, 2023 - 15:12 0 Views
The Heart Stadium iri pamberi The Heart Stadium

Kwayedza

Abel Ndooka

KUVHURWA kwakaitwa nhandare yenhabvu yeHeart Stadium yaProphet Walter Magaya avo vanove muridzi wechikwata cheYadah Stars chinokwikwidza muCastle Premier Soccer League kwasiya veruzhinji vachikatyamadzwa zvikuru nemavakirwo ayakaitwa.

Nhandare iyi iri kuWaterfalls, muHarare kune hotera yaProphet Magaya uye yakavhurwa zviri pamutemo musi weSvondo nemutungamiri wenyika President Mnangagwa.

Heart Stadium inotakura vanhu vanosvika 5 000.

Pane zvimwe zvinhu zvinoyevedza zviri munhandare iyi izvo zviri kutaurwa neveruzhinji kusanganisira machemba emuzvimbuzi anonzi akagadzirwa negoridhe.

Chemba yegoridhe yekuHeart Stadium

Pamusoro pezvo, nhandare iyi ine zvigaro (bucket seats) zvinodiwa pamutemo weCAF neFIFA.

Pari zvino Zimbabwe haina nhandare yakakodzera kutambirwa mitambo yepasi rose sezvinodiwa neCAF neFIFA. Asi machemba emuzvimbuzi ndiwo anyanya kukonzeresa ayo ari kurumbidzwa neveruzhinji.

Kwayedza svondo rino yakaita tsvakurudzo yekuona kuti ndedzipi dzimwe nyika dzine nhandare dzakagadzirwa zvinonwisa mvura.

The Float at Marina Bay – Singapore

The Float at Marina Bay

Nhandare yeThe Float at Marina Bay yekuSingapore inoyevedza zvikuru sezvo yakavakirwa mumvura izvo zvisati zvamboitika. Nhandare iyi yakavhurwa mugore ra2007 uye yaishandiswa mitambo yekasiyana.

Mugore ra2010, yakatambirwa mitambo yemaYouth Olympics.

Kutanga gore rino, nhandare iyi yakatanga kuputswa nechinangwa chekuivaka patsva uye basa iri rinotarisirwa kuzopera mugore ra2026.

Stade Louis II – France

Stade Louis II

Musha wechikwata cheMonaco icho chinotambirwa muLigue 1 kuFrance, nhandare yeStade Louis II ine mukumbira zvikuru muEurope kunyangwe hazvo ichitakura vanhu vashoma. Munhandare umu munokwanisa kungopinda vanhu 18 523 chete asi chinhu chinoyevedza ndechekuti pasi payo pane dzimwe nhandare dzakavakirwapo.

Nhandare yebasketball iri pasi peStade de Louis II

Pasi pacho pane nhandare yekutambira basketball, nzvimbo yekuitira mitambo yekutuhwina uye yekupaka motokari dzakawanda.

Melbourne Rectangular Stadium – Australia

Nhandare yeMelbourne Rectangular Stadium, iyo inozivikanwa zvekare seAAMI Park, yakavhurwa mugore ra2010 kuAustralia uye ine musiyano nedzimwe dzose.

Melbourne Rectangular Stadium

Denga renhandare iri rinovharika kwakatanga kunaya uye mvura inenge ichinaya inokohwewa nenhandare iyi yochengetedzwa kuti izoshandiswa mune remangwana.

Kunze kwenhandare iyi kwakashongedzwa nemwenje wemhando yemaLED lights ayo anobuditsa mapatani nemifananidzo yakasiyana.

Allianz Stadium – Germany

Nhandare yeAllianz Stadium yekuGermany ine mukurumbira sezvo uriwo musha weBayern Munich.
Inomboshandiswa nechikwata chenyika yeGermany kuchiti chikwata che1860 Munchen chaimboishandisawo.

Allianz Arena Stadium

Kunze kwenhandare yeAllianz Stadium kunoti kana Bayern Munich ichitamba yakapfeka yunifomu yayo ine ruvara rwutsuku, inenge yakabaka zvitsvuku nhandare yese. Chimwe chikwata chikashandisa nhandare iyi kana chichipfeka zvichena kana rumwe ruvara, inobakawo ruvara rwacho.

Ottmar Hitzfeld Gspon Arena – Switzerland

Ottmar Hitzfeld Gspon

Iyi ndiyo nhandare ine nhoroondo yekuve pamusoro kudarika dzimwe dzese dzekuEurope sezvo yakavakwa pamusoro pegomo rakareba 2 000m kubva pasi pane gungwa.

Nhandare iyi inotambira chikwata cheFC Gspon.

Vavarengi, ndedzipi dzimwe nhandare dzemunofunga kuti dzine zvimwe zvinoyevedza?

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>