TICHAMIRA-MIRA: MIGHTY WARRIORS

09 Oct, 2023 - 09:10 0 Views
TICHAMIRA-MIRA: MIGHTY WARRIORS Shadreck Mlauzi

Kwayedza

Abel Ndooka

CHIKWATA chenyika chenhabvu chemadzimai chemaMighty Warriors chiri kuSouth Africa uko chiri kurwira mukombe weCosafa Cup kutanga nemusi weChishanu chino.

Chikwata chaShadreck Mlauzi ichi chakasimuka nemusi weChipiri chakananga kuSouth Africa.

MaMighty Warriors ari muboka reGroup C rine zvimwe zvinoti Lesotho, Botswana neNamibia.

Mutambo wavo wekutanga vachasangana neLesotho (Chishanu) kunhandare yeLucas Masterpieces Moripe Stadium kuPretoria.

Uyu uchange uri mutambo wekutanga kutambwa nemaMighty Warriors mumakore maviri zvichitevera kubviswa kwezvirango zvainge zvakatemerwa Zimbabwe neFIFA neCAF.

Mlauzi anoti chikwata chake chave nenguva chisingatambe naizvozvo kuenda kumutambo uyu chinoda kunokwikwidza zvepamusoro pamwe chete nekupa mukana kune vatambi vakasiyana.

“Tinokumbira kunyika yese kuti ngaititsigire, ifambe nesu murwendo rwatakatarisana narwo uye tinokumbira kunzwisisa kwavo nekuti sezvamunongoziva tange tave nemakore tisingatambe nhabvu.

“Saka kuenda kwedu kuCosafa Cup tinoziva tine zvikuru zvinotarisirwa kwatiri asi tinokumbira kuti mutinzwisise muzive basa ratiri kuzama kugadzirisa. Chimwe chezvinhu zvatiri kuda kuumba chikwata chakasimba chemangwana nekupa vatambi vechidiki vakawanda mukana wekutambira chikwata chenyika,” anodaro Mlauzi.

Mighty Warriors

Kumutambo weCosafa Cup, mutambi weHarare City Queens – Rudo Neshamba – ndiye achitungamira chikwata chenyika ari kaputeni.

Neshamba mumwe wevatambi vane nenguva refu vachitambira maMighty Warriors izvo zvamuona achikwanisa kutambira chikwata ichi ka70.

Achange achitevedzerwa naChido Dzingirai mubati wepagedhi naNobunkosi Ncube.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>