Tinoda Afcon: Katsande

05 Feb, 2015 - 16:02 0 Views
Tinoda Afcon:  Katsande

Kwayedza

Abel Ndooka
MUTAMBI wemaWarriors neKaizer Chiefs yekuSouth Africa, Willard Katsande, anoti vatambi vechikwata chenhabvu cheZimbabwe vaneta nekugara vachingoomberera zvimwe zvikwata mawoko izvo zvinenge zvabudirira kunokwikwidza kumutambo weAfrican Cup of Nations.

Apo dzimwe nyika dziri kukweshana kuda kupinda mufainari yeAFCON iyo iri kutambirwa kuEqutorial Guinea pari zvino maWarriors ari mushishi kutsigira dzimwe nyika dziri kumutambo uyu.

MaWarriors akapedzisira kuenda kumutambo uyu mugore ra2006 apo airairidzwa naCharles Mhlauri.

Gore radarika Ian ‘’Dibango’’ Gorowa ndiye akapihwa chiremerera chekutungamira maWarriors kumasvitsa kuAFCON asi chikwata chake chakakundikana mushure mekuburitswa muround rekutanga rekurwira tikiti rekuenda kumutambo uyu neTanzania.

Achitaura ari kuSouth Africa uko kwaanotambira nhabvu yake, Katsande, anoti zviri kumudzimba zvikuru kugarotsigira zvimwe zvikwata zvinenge zvichikwikwidza kumutambo uyu.

Anoti yasvika nguva yekuti maWarriors achirongeka awonekwe achienda kumakwishu aya.

“Zviri kundirwadza chaizvo kuti hatiko kuAFCON, tinofanirwa kunge tichikweshana nezvimwe zvikwata izvo zviriko. Taida chaizvo kunge tiriko asi zvakaramba, taneta kuramba tichikundikana kuenda kumutambo uyu uye tanetawo nekuramba tichiomberera zvimwe zvikwata mawoko zvinenge zvichikwikwidza.

“Vatsigiri vedu vanofanirwa kunge vachitsigira isu kwete kuti unonzwa vachiti yangu iSouth Africa kana imwe nyika.

“Ini ndange ndichimhanya neSouth Africa neCameroon kumutambo uyu asi dzakaburitswa, zvinodzimba kutsigira dzimwe nyika ini ndichifanirwa kunge ndichimiririra nyika yangu,” akadaro Katsande.

Shasha iyi, iyo inove mumwe wevatambi vanopisa muligi rekuSouth Africa, anoti ino ndiyo nguva yekuti chikwata chavo chemaWarriors chichitanga kuvakwa zvakasimba kuitira kuti chizorwirawo kupinda mumutambo weAFCON unotevera mugore ra2017.

Katsande, uyo ane makore 29 okuberekwa, kusvika pari zvino akwanisa kutambira maWarriors ka23.

Anoti iye pamwe nevamwe vatambi vagara muchikwata vezera rake havasisina nguva refu vari munhabvu saka vanotofanirwa kurwa zvakasimba kuti vaende kuAFCON muna 2017 nokuti vakakundikana havazombofe vakatamba zvekare mumutambo uyu.

Anoti akazvipira kutambira nyika yake ndokunge apihwa mukana wacho.

“Ino ndiyo nguva yekuti tichitanga kuvaka chikwata chedu takatarisana neAFCON inotevera kwete kuzoda kumhanya-mhanya pasisina nguva.

“Ramangwana redu ndinoriona rakajeka haro asi vamwe vatambi vakaita seni tiri kuchembera saka nguva hapasisina. Tinotofanirwa kubudirira kuenda kumutambo weAFCON unotevera.

“Ini ndakazvipira ndiripo pese pavanondida kuti ndiuye ndinouya kuzomirira nyika yangu,” akadaro Katsande.

Zvakadaro, Katsande anoti pari zvino ari kuda kunyora nhoroondo yake mumutambo uyu zvichitevera kuvhoterwa kwaakaitwa kuve Soccer Star of the Year kuchikwata chake cheKaizer Chiefs mwaka wenhabvu wadarika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>