Tinoda mukombe weCosafa: Mlauzi

29 Sep, 2023 - 09:09 0 Views
Tinoda mukombe weCosafa: Mlauzi Shadreck Mlauzi

Kwayedza

Abel Ndooka

MURAIRIDZI wemaMighty Warriors — Shadreck Mlauzi — anoti vanoda kuenda kumutambo weCosafa Cup uchatambirwa kuSouth Africa kunorakidza kuti chikwata chavo chimwe chezvikuru zvenhabvu muAfrica.

Zvichitevera kudzorerwa kwakaitwa Zimbabwe mumhuri yenhabvu, Mlauzi svondo radarika akadzorwawo ndokugadzwa pachigaro chinopisa chekurairidza maMighty Warriors ayo akamborairidza kare.

MaMighty Warriors pari zvino ari mukembi umo ari kuita gadziriro dzekuenda kuSouth Africa kunokwikwidza kuCosafa Cup kutanga nemusi wa4 Gumiguru kusvika nemusi wa15 Gumiguru.

Uyu uchange uri mutambo wekutanga wemaMighty Warriors kutamba nezvimwe zvikwata zvekunze zvichitevera kubviswa kwakaitwa zvirango izvo zvainge zvakatemerwa Zimbabwe neFifa pamwe chete neCAF.

Muhurukuro neKwayedza, Mlauzi anoti ane basa guru rekusimudzira chikwata chenyika kuti chidzoke pakuve chimwe chezvikuru zvenhabvu muAfrica.

“Tine basa guru ratakatarisana naro, tiri kuda kudzorera chikwata chedu pachaive kare kuve chimwe chezvikwata zvikuru zvenhabvu muAfrica.

“Takatarisana nekuenda kuCosafa, tiri kuda kunotamba nhabvu yepamusoro inonwisa mvura uye tichipa vatambi vakasiyana mukana toona kuti tinenge tasvika papi,” anodaro.

Mlauzi anoti chikwata chake chaakasarudza kupinda nacho mukembi chizere nevatambi vave nemakore vachitambira maMighty Warriors pamwe chete nevatsva vari kusimukira mumutambo uyu.

Anoti muZimbabwe munofanirwa kukosheswa kubika nhabvu yevechidiki kuitira kuti zvivabatsire sevarairidzi kusarudza vatambi vekutambira chikwata chenyika.

“Munyika ngatikoshese kubika vechidiki nekuti zvinotibatsira mune remangwana munhabvu yedu.

Pakave nezvikwata zvevechidiki zvinoita kuti tive nevatambi vakawanda vekusarudza patinoumba chikwata chedu,” anodaro.

Kumutambo weCosafa Cup, maMighty Warriors akaiswa muboka reGroup C rine zvimwe zvikwata zvinoti Lesotho, Namibia neBotswana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>