Uncategorized

‘Tinodawo magetsi kuMarirangwe’

16 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
‘Tinodawo magetsi kuMarirangwe’ Kanzura Chimwanja

Kwayedza

Kumbirai Bakuri
KUSHAIKWA kwemagetsi kuWard 14 yeMarirangwe, kuBeatrice, kubva gore rapera kunonzi kwadzosera shure budiriro muzvikamu zvakasiyana kusanganisira dzidzo nezveutano.

Vachitaura pagungano revarimi rakaitirwa papurazi reKefalos svondo rapera, VaClever Chimwanja, avo vanova kanzura wewadhi 14, vanoti chishuwo chavo kuti dambudziko rekushaikwa kwemagetsi rigadziriswe nekukasika.

“Kubva zvatsva gwenya remagetsi mumwedzi waMbudzi gore rapera, hurongwa hwekuisa magetsi pachikoro cheMarirangwe Primary nesekondari uye papakiriniki zvakabva zvamiswa.

“Pamusoro pezvo, kubva ipapo zvikamu izvi hazvina mvura yakakwana zvisinei kuti kanzuru yakaisa zvibhorani zviviri, zvinobva zvaisa vadzidzisi, vana vechikoro nevarwere parumananzombe,” vanodaro.

“Tichakangomirira kupindurwa tsamba yatakanyorera kumahofisi eZESA ekuKadomakuti vagadzirise dambudziko regwenya.”

Kanzura Chimwanja vanoshushikanawo nekushomeka kwevashandi pakiriniki yeMarirangwe iyo inopa rubatsiro muwadhi 14 yose ine misha inodarika mazana mashanu.

Vanochemawo kuHurumende nevamwe vangada kubatsira pakuvakwa kwedzimba dzemadzimai anenge akazvitaukura pakiriniki yeMarirangwe.

Pamusoro pezvo, vanoti vanodawo kuvakirwa kamuri yevana yekufundira zvidzidzo zvesainzi pachikoro cheMarirangwe Secondary.

Votaurawo pamusoro pedzimwe nhau dzebudiriro mudunhu ravo, Kanzura Chimwanja vanoti vakambomisa chirongwa chekugadzurudza migwagwa nekuda kwemvura yakawanda iri kunaya.

“Kugadzirwa kwemigwagwa takamiswa nemvura iri kuwanda asi ichingopera tiri kuenderera mberi,” vanodaro.

VaChimwanja vakatenda Hurumende nechirongwa chairi kuita chekupa varimi zvekushandisa, cheCommand Agriculture.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>