Uncategorized

‘Tinojoborwa nemazizi’

12 May, 2017 - 00:05 0 Views
‘Tinojoborwa nemazizi’

Kwayedza

— ‘Tichiitirwa madororo’ — ‘Mazikatsi achichema’

Kingstone Mapupu —
MHURI igere mumusha weWhitecliff, pedyo neKuwadzana Extension muHarare, inoti yaoneswa chitsvuku nekujoborwa nemazizi pamwe nekuitirwa madororo.

Sezvinonzi zvekuzorwa madororo nemazizi zvishoma, pamba pemhuri iyi panorara pachiitwa ruzha husiku hwose nevanhu vasingaonekwe.

Pamusoro pezvo, pamba apa panonzizve panoonekwa katsi dzinouya dzakawanda munguva imwe chete husiku.

Bhiyadha Mhlanga

Iri ndiro dambudziko rakatarisana nemhuri yaMai Christine Mhlanga (52) vepanhamba 175 Whitecliff.

Shirikadzi iyi ine vana gumi, uye vanogara nevanakomana vashanu pamusha uri kuitika minana uyu.

“Handina rugare pano tose nevana vangu. Tinojoborwa nemazizi zvisina kumbobvira zvakaonekwa kana nani zvake. Mazizi aya anouya akawanda zvekudarika kana makumi maviri, otanga kuda kutimhara mumisoro yedu otiruma nekutimara apo achitiitira madororo — kuita kumwaya chaiko madororo mumusoro.

“Anouya chero nguva —masikati kana husiku. Kunze kwaizvozvo, pano panouya katsi dzakawandisa, dzimwe nguva dzichitodarika kana 20 dzotanga kuchema sevana vacheche apo dzinge dzakakomba musha uno dzakatarisa mudenga,” vanodaro Mai Mhlanga.

MICHAEL MHLANGA

Vanoti dambudziko iri rakatanga murume wavo — Gorden Mhlanga, uyo akazoshaya muna 2004 — achiri mupenyu.

“Zvakatanga baba vachiri vapenyu asi zvaiva zvishoma. Zvakazonyanya pavakashaika apo pakatanga kuuya mazizi nekatsi nhema zvakawanda.

“Kunge zvinonzi zvishoma, panouya vanhu vakawanda avo vanomhanya vachitenderera imba yedu, tichitonzwa mutsindo nekufemuruka kwavo asi tisingavaone.”

Mai Mhlanga vanoti vakangoona mazizi nekatsi izvi zvauya, vanotanga kunamata apo vana vavo vanenge vachichema vachirohwa nezvisingaonekwe.

“Mazizi akauya, katsiwo dzichichema neuko kozoti vanhu vachimhanya, vana vanobva vatanga kuchema vachiratidza kuti vari kurohwa nezvinonzi nevamwe zvidhoma kana kuti zvizhwa. Vana vose vanorohwa kusanganisira nevandisingagare navo pano avo vanorohwa kwavanenge vari ikoko,” vanodaro.

CHRISTINE MHLANGA

Vanoti murume wavo — uyo aishanda semutori wemifananidzo akazvimirira — akafa mushure mekunge aenda kubasa mangwanani ndokudonha apo anonzi akangoti ave kupiswa achibva anofira kuchimwe chipatara chemuHarare.

“Murume wangu aibva kwaTamandai, kuChipinge, uko ndisina kumbobvira ndakasvikako. Kunyange vana vangu havana kumbobvira vakuenda kumusha uku. Ini ndinobva kwaKaterere, kuNyanga.

“Ndakatombofunga kutiza vana kuti ndiende zvangu kumusha kwangu nekuti hama dzemurume wangu — hanzvadzi dzake ina dzasara — hadzidi kundiona nemhuri yanga. Kunyange dambudziko iri handina wekuriudza asi rinozivikanwa.”

Mai Mhlanga vanoti vari kudya nhoko dzezvironda kubvira pakashaya murume wavo sezvo vana vavo vose vasisaende kuchikoro uyewo zvekupfeka nekudya havana zvekuti vanotorarama nekupemha.

“Izvozvi tinongogara hatimboziva kuti mangwanani tinodyei, masikati kana manheru. Tinorarama semhuka dzisingaronge upenyu hwadzo. Vana vose vashanu vandigere navo pano havachaenda kuchikoro. Ishungu dzangu kuti vadzokere kuchikoro sevamwe vana.

“Ndine vanakomana vanomwe nevasikana vatatu. Ivo vanasikana vangu vanorambwa nevarume zvisinganzwisisike,” vanodaro.

Vanoti vashaya zano rekuita nekuda kwematambudziko akatarisana navo aya.

“Ndinoshaya kuti izvo zvidhoma kana zvizhwa, mazizi nekatsi naivo vanhu vanouya nehuroyi hwavo vachindishungurudza vanodeyi pamurombo akaita seni? Madzitete angu hanzvadzi dzemurume vakagumisira kuuya pano pakashaika hanzvadzi yavo.”

Mai Mhlanga vanoti havazive kuti dambudziko ravakatarisana naro riri kubva kupi.

Musha waMai Christine Mhlanga

Mai Mhlanga vanoenderera vachiti: “Vana ava havasi vangu, ndevemhuri yekwaMhlanga saka ndainge ndazvipira kungovasiya hangu ndoenda kumusha kwangu pane kugara zvidhoma zvichiita madiro neni nevana kudai.”

Mudzimai uyu anoti akaroorwa mugore ra1984, vamwene natezvara vake ndokuzoshaika pashure.

Mai Mhlanga vanoti pakashaika vamwene vavo, ivo havana kukwanisa kuenda kunovachema kuChipinge nekuda kwezvikonzero izvo zvavasina kuda kubuda pachena. Vanoti vari kufamba kumaporofita nekun’anga kwakawanda vachitsvaga kubatsirwa asi hapana shanduko.

Vanotizve zvinonzi matambudziko avakatarisana nawo ari kukonzerwa nehama dzekumurume wavo idzo dzavasiri kudura nemazita.

“Ndapedza mari ndichitsvaga kubatsira vana vangu vanorohwa nezvidhoma vachipunzika zvinhu zvacho zvichitotaura kuti zvinoda nyama yavo. Pane imwe n’anga yakambouya ikabvisa nyoka tikaibhadhara $160 netani yechibage icho takanga tarima asi hapana chakabatsira, vana vachiri kungodonha mazizi nekatsi nevanomhanya ava zvinongouya.”

Mai Mhlanga vanotiwo vana vavo vane dambudziko zvakare rekungomuka pavanenge varere votanga kumhanya vachiti vanoona vanhu vanoda kuvarova nezvimhuka zvinoda kuvadya.

“Pavana vangu pane vamwe vanoita sevanorasika pfungwa. Chichemo changu ndinoda kubatsirwa kuti dambudziko rekurohwa nezvidhoma iri ripere, katsi idzi nemazizi nevanhu vanomhanya ava varege kusvika pamba pangu,” vanodaro. Mai Mhlanga vanoti pane imwe mhuka yakatangawo kuuya pamba pavo munguva yehusiku iyo inochema sekunge kunorira pembe kana kuti pito.

GOLDEN MHLANGA

“Mhuka iyi ine mutsindo unenge wemhuka huru, inouya kunze kwava kuedza yotanga kuchema semaririro epito,” vanodaro.

Kwayedza payakashanyira mhuri iyi nemusi weChishanu wadarika, yakasvikoiwana vachiti vari kubva mangwanani kusvika manheru pasina chavadya.

“Ndinokumbirawo kuruzhinji rweZimbabwe kune vangagone kutibatsira, handina mari yekuvapa angava maporofita kana n’anga, kuti vabvise zvinhu izvi. Mweya yakaiswa pavana vangu inonzi minomwe. Ini ndinoda kushandira mhuri yangu kana vamwe vana vakawana mabasa vanoshanda kana kudzokera kuchikoro,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Tinongonzwawo mbiri yekubatsirwa kwevamwe vanhu nemaporofita nen’anga dzine mbiri munyika muno, ko isu takaitawo sei tatambura?”

Musi wavashanyirwa neKwayedza, Mai Mhlanga vakawanikwa vaine vana vavo Michael (20), Bhiyadha (17) naKelly (14).

Kune vanoda kubatsira mhuri iyi ridzai nhare dzinoti 0785 753 863.

Votaura pamusoro penyaya iyi, Prophet Tapiwa Freddy (34) vechechi yeGoodness and Mercy Ministries vanoti Mai Mhlanga nemhuri yavo vanoda kubatsirwa nekukasika. “Inyaya duku iyi, zvinopera. Aya mabasa erima naSatani,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>