Uncategorized

‘Tinosvina hura hwechitunha’

26 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
‘Tinosvina hura hwechitunha’ Vanhu ana vaitamba Chinamwari Gule Dance

Kwayedza

Chkwata cheMalawi Gule Dance chakaita zvinorova nguva pfupi yadarika apo chakatandadza vanhu pamusangano weZimbabwe National Practioner’s Council Annual General Meeting uyo wakaitirwa muHarare chikaita zvidavado pakutamba zvimwe zvinoenderana netsika yeChinamwari.

Chinamwari itsika dzinodzidziswa vanhukadzi kunyanya verudzi rwechiMalawi — kuti vakwanise kugara zvakanaka nevarume vavo, kusanganisira kuvafadza muimba huru. Mitambo yakaratidzirwa nechikwata ichi inodaidzwa kuti “Pakashure Dance” uye yakafarirwa zvikuru zvekuti kunyangwe nevarungu vaivepo, vakapindawo mudariro vachitamba.

Kwayedza yakakurukura nemutungamiriri wechikwata ichi, Sekuru Peter Maponda (50) vekuChitungwiza kuti inzwe zvizere, kusanganisira tsika yekusvina hura hwechitunha kana munhu afa.

“Chikwata ichi takachivamba muna1986 mushure mekunge taona kuti tsika nechivanhu zvekuMalawi zviri kuratidza kutambirwa muno muZimbabwe. Tinodaidzwa kumitambo yakasiyana tichisiya vanhu vazhinji vachinakirwa nezvidavado zvedu. Nhasi uno tange tichiratidzira tsika yeChinamwari nekuti tinoda kuti vanhu vazive kukosha kwayo.

“Hongu, vanhu vanodzidziswa Chinamwari pachihwande, asi tinoda kuti vazive kuti chinobva kwatiri saka hationi pane chikonzero chekuti tizvivanze nekuti vanhu vanoda kudzidza nezvacho vakawanda,” vanodaro.

Sekuru Maponda vanoti tsika dzekuMalawi dzakasiyana kwazvo nedzemamwe marudzi nekuti vanoita zvinhu zvavo zvine musiyano.

“Tsika dzedu vanhu vekuMalawi dzinoramba dzichinakidza nekuti tinoramba tiri vanhu vakazvimiririra. Hatibe tsika dzevamwe nekuti tinoda kuramba takachengetedza rudzi rwedu nemitauro yacho. Kune zvinhu zvakawanda zvatinoita zvisinganzwisisike kune veruzhinji zvekuti vamwe vanofungidzira kuti tinoita mabasa ehuroyi izvo kwete nekuti zvizhinji zvacho zvakavandika zvinozivikanwa bedzi neverudzi rwedu,” vanodaro.

Chikwata cheTonderai Mbira Dzechinyakare chichitandadza vanhu

Vanopa muyenzaniso wemutambo weSadaka apo vanoti vamwe vanhu vanofungidzira kuti vanenge vachibika matumbu emushakabvu vachidya zvinove zvisiri izvo.

“Hongu, kana munhu achinge afa ari werudzi rwedu, tinomugeza ura hwake nemvura ichipinda nemukanwa yobuda nekunobuda netsvina nekuti Bhaibheri rinotaura kuti munhu akabva mudumbu raamai asina chinhu, saka anofanira kudzokera asina chaainacho. Saka tinomugeza hura hwake nemvura kuti azonoradzikwa akachena.

“PaSadaka, tinenge tichiita yamunoti nyaradzo yekurangarira mufi, hatibike hura hwemunhu nekuti imhosva iyoyo.”

Vanotsanangura zvakare nyaya yevanhukadzi verudzi rwavo vanofamba vakayanika chuma pachena, izvo zvinozivikanwa nekuti mukanda.

“Kuyanika chuma pachena hakuna dambudziko nekuti inzira yekushambadza tsika nechivanhu chedu. Vanhu vanotofanira kuzvitambira. Kana pari panyaya yemishonga, vanhu verudzi rwedu, kusanganisira pwere chaidzo, vanoziva mishonga inorapa yakawanda nekuti ndizvo zviri murudzi rwedu.

“Mwana achingozvarwa, anotsengerwa mishonga nekugadzirwa nhova, ndiko kusaka munyika dzose tichiwanikwa tirimo asi tiri mumabasa ehurapi hwechivanhu.

‘‘Malawi chiororo pamishonga yekuranga mbavha nevaroyi,” vanodaro.

Chimwe chikwata chaive pachiitiko ichi, cheTonderai Mbira Dzechinyakare Group, chakaridzawo mbira zvinonwisa mvura.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey