Uncategorized

‘TINOTENDA RUSUNUNGUKO’

16 Apr, 2020 - 00:04 0 Views
‘TINOTENDA RUSUNUNGUKO’ VaKandiyero

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VAMWE vakuru-vakuru vemachechi nenyanzvi dzechivanhu vanoti vanotenda kusunungurwa kwakaitwa nyika ino kubva kuhutongi hwevachena sezvo vari kuita mabasa avo vakasununguka kusiyana nekare apo Zimbabwe yakange isati yawana kuzvitonga kuzere.

Mhemberero dzezuva rekuzvitonga dzegore rino dziri kuitwa vanhu vose – kusara kweavo vanoita mabasa akakoshesesa – vari kudzimba sedanho rakatorwa neHurumende kudzivirira kutapurirana nekupararira kwechirwere cheCovid-19 icho chashungurudza pasi rose.

Mhemberero huru dzenyika dzange dzakarongwa kuitirwa kuBulawayo asi ndokuzonzi hadzichaitwa sezvo vanhu vasiri kutenderwa kuungana nekuda kwedambudziko reCovid-19.

Zvisinei, vakuru vemachechi nevanoita zvechivanhu vanotenda kuuya kwerusununguko rweZimbabwe.

Madzibaba Strive Masango vechechi yeKubata kweVapositori vanoti vanoziva kukosha kwakaita rusununguko rwenyika.

Vanoti rusununguko urwu ndirwo rwakaita kuti vawane mukana uzere wekuparidza shoko raMwari vakasununguka.

“Hondo yakarwiwa nyika ikasununguka, ndinonzwa kuti panguva yehutongi hwevachena machechi aitungamirirwa nevatema aiva mashoma zvikuru asi zvasiyana nanhasi uno. Kuchinamato chechipositori kwaingova nemachechi mashoma aisanganisira Zion yekwaMutendi, yekwaMwazha, yekwaWimbo, Johane Masowe weChishanu, yekwaMicho, Johanne Marange, yekwaMugodhi neChiedza,” vanodaro Madzibaba Masango.

Vanoti mamiriro aiva akaita zvinhu aya kureva kuti vanhu vatema vainge vasingapihwe mikana yekuvamba machechi kuburikidza nehurumende yaivapo.

“Zvaisareva kuti vatema vaisakwanisa kuvamba machechi asi kuti vaishaiswa mikana yacho apo zviporofita nemweya vaiva nazvo. Vamwe vakuru vemachechi aivapo vanosanganisirawo Archbishop (Ezekiel) Guti veZaoga. Tinotenda vatema ava vakaramba vachishingirira panguva iyi kuti vhangeri riparidzwe kunyangwe vaiva nezvimhingamupinyi zvavaisangana nazvo.

“Nyika yasununguka, vatema vakatanga kuwaniswa mikana yekutanga machechi avo.”

Madzibaba Masango vanoenderera mberi vachiti, “Tinotenda vakarwira nyika ino vapenyu nevakafa.”

Sekuru Friday Chisanyu, vanova mukuru wesangano rinomirira machiremba echivanhu reZimbabwe National Practitioners Association, vanoti vave kushanda vakasununguka kuburikidza nerusununguko rwenyika rwakauya mugore ra1980.

“Isu machiremba echivanhu tainzi tiri varoyi kubva muvara rechirungu rekuti ‘witch doctor’. Uku kutuka kuzere nekuti vachena vaisabvuma mweya yedu yechivanhu kuti tinorapa nekubatsira vanhu. Nyika yasununguka, takapihwa mvumo nekuva nezvitupa zvekuita basa,” vanodaro Sekuru Chisanyu.

Mukuru wesangano reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanotendawo kuuya kwerusununguko rweZimbabwe.

“Nyika yawana kuzvitonga kuzere, kwakabva kwaumbwa sangano reZinatha raitungamirirwa naVa(Gordon) Chavhunduka apo ini ndaivemo musangano iri. Zvose izvi zvaisabvumidzwa nyika ichine vachena, izvozvi tinoshanda nen’anga zhinji dzatinopa zvitupa vachiita basa ravo vakasununguka.

“Isu takawana zvizhinji kubva murusununguko rwenyika. Panguva yehutongi hwevachena, taishaya kwekutsvaga mishonga nekuti mapurazi ose aiva evachena uko taisungwa tikangoonekwa tichikwatura miti,” vanodaro VaKandiyero.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>