Uncategorized

‘Tiri vakadzi vezvidhoma zvababa’

10 Jun, 2016 - 00:06 0 Views
‘Tiri vakadzi vezvidhoma zvababa’ Fungisai Gabriel

Kwayedza

Fungisai Gabriel

Fungisai Gabriel

IMWE mhuri yekwaMatyaira, kwaMwanza, kuGoromonzi, nevamwe vedzinza ravo vanonzi vakaitwa zvinogara zvakadaro – vose vakagusiswa vhudzi rose zvaro riri pamunhu, iro rakaendeswa nababa vemhuri kun’anga uko kwakanoitwa mhiko dzinonzi dzaunza matatambudziko makukutu.

Pamusoro peizvi, vemhuri iyi nevedzinza vanonzi vakachekeswa nzara dzekumakumbo nedzemumawoko izvowo zvakaendeswa kun’anga imwe chete iyi.

Izvi zvinonzi zvakaitika mumhuri yekwaMaguchu uye nyaya iyi yakatopinda mudare raSadunhu Mwanza, VaKlemens Marufu (79), nemusi weMugovera masvondo maviri adarika sezvo vanasikana vaviri vemumhuri iyi vari kupomera baba vavo kuti vakashandisa mishonga yave kukonzera kuti vatadze kuroorwa.

VaTobious Maguchu (58) ndivo vari kupomerwa mhosva iyi uye vakadhonzerwa kudare nevanasikana vavo vanoti Fungisai Gabriel (40) naFarai Gabriel (37).

Vanasikana ava nababa vavo, kusanganisira amai vavo nemhuri yose, vaiva mudare raSadunhu Mwanza paitongwa nyaya iyi.

Mhuri iyi isati yaenda kudare, baba vacho vanonzi vakasvika pakurwisa vanasikana vavo ava vakabvarurira Fungisai zvipfeko zvemukati apo vaive vakamugara matunduru.

Fungisai, achitura nyaya yake mudare, anoti vanoda kubatsirwa zvichitevera kushandiswa uko anoti vari kuitwa nababa vavo.

“Hatigare kuvarume tose tiri vasikana vashanu mumba medu, hapana anemba. Ini naFarai taiva nedzimba dzedu takadzoka kuvarume sezvo tinonzi kwatinofamba tine vamwe varume vemishonga kana kuti zvikwanmbo vanogara kumba kwedu. Nyaya idzi dzakatanga apo baba vakakurudzira vanhu vose kuti vaguswe vhudzi rakavandika, remumusoro nemuhapwa iro vaiti raida kugadziriswa matambudziko aiva mumusha. Munhu wose akazvigusa, kusanganisira nekumadzitete dzinza rose, vhudzi iri rikapihwa kuna baba,” anodaro Fungisai.

Anoti baba vavo vakaendesa vhudzi iri kun’anga inonzi Abudhara asi havana kuzonzwa kuti rakanoitiswei.

Farai anotsinhirawo nyaya yekuzvigusa vhudzi rikaendeswa kun’anga nababa vavo.

“Baba vapihwa vhudzi iri, vane mhiko dzavakapihwa dzekuti pamba paisafanirwa kuburitswa moto panze, vana vaisafanirwa kugezerwa mukati mechivanze uyewo kuti migoti kana zvipunu zvaisafanirwa kusiiwa zvakabairira mukati mezvekudya.

“Mhiko idzi dzakatadza kutevedzwa dzikabva dzafumurwa izvo zvinonzi zvave kuunza matambudziko mumhuri,” anodaro Farai.

“Mumusha medu makazouya imwe n’anga ichida kubvisa zvinhu zvakaiswa nababa izvi ikatadza. Baba vanonzi vakazoenda kun’anga yakavapa mishonga iyi vakanoipa mbudzi dzekuripa kuitira mhiko dzakanga dzatyorwa, ikati zvapera asi nanhasi matambudziko aya tichiinawo,” anodaro.

Vaviri ava vanoti mhiko dziripo dzinoita kuti vasaroorwe vachiti vanoitwa madzimai pamusha apa nezvikwambo.

Vari kupomera zvakare baba vavo kuti havadi kufamba navo kuti vagadzirise dambudziko iri.

“Nekusawirirana uku, baba vakasvika pakundirwisa husiku svondo rakapera vakandidamburira bhurugwa nebhodhi vakandigara matunduru apo vakapinda mumba mandaiva ndirere nevamwe.

“Vakandipunzira pasi vakatomboenda pamusoro pangu sekunge vakanga vave kuda kundibata chibharo.

‘‘Paiva naFarai naamai vedu vakandinunura kuti ndisarambe ndichirohwa,” anodaro Fungisai.

Zvipfeko zvaFungisai zvemukati izvo anoti zvakabvarurwa nababa vake apo vaimurwisa uye zvakaburitswa mudare seumboo.

Mudare iri, VaTobious Maguchu vakambotanga vachiramba nyaya yekuti vakagusisa rose rinonzi vhudzi kune vemhuri yavo ndokuriendesa kun’anga. Asi vakazobvuma nyaya iyi pava pashure.

“Nyaya yekuti ndakarova mwana uyu ndikamudamburira mbatya dzemukati ndeye chibhadhiti, kunyepa uye mashoko ekugadzira.

“Izvo zvekuti ini ndiri kuramba

kufamba navo ndakavapa wani mukana vakaunza tsikamutanda pakabviswa zvinhu ini ndisipo.

“Ini ndava kunamata, iye akatondiruma padumbu pakurwa kwatakaita,” vanodaro.

Vanoti vakaudza mhuri yavo kuti iguse vhudzi sezvo vaida kugadzirisa dambudziko raive rakatarisana nemusha wavo.

“Chokwadi mhuri yakanga yapera kufa ndokuenda kun’anga inonzi Abudhara akanditi ndiunze vhudzi rakavandika, remumusoro, remuhapwa, nenzara gumi dzekumawoko negumi dzekumakumbo izvo vanhu vakaunza ndikaenda nazvo kun’anga iyi.

‘‘Handizive pamwe ndizvo zvakazopanduka.

“Vana ava kubva kare vanonditi ndine chikwambo. Nyaya yandinonetsana navo kazhinji mapfekero avo nenguva yavanouya pamba husiku tarara.

“Panyaya yemishonga, ndakaenda nayo kun’anga inonzi Abudhara ndikanomupa mbudzi kuti ndidzosere mishonga iyi ndikati zvapera,” vanodaro.

Munin’ina wavo, VaEversisto Maguchu (54), vanotsinhira nyaya yekuti mukoma wavo akaenda nevhudzi revanhu vose vedzinza kun’anga.

“Pamusha pakatombouya mapositori vakapisa mishonga yaiva yawanikwa iri muhozi. Asi hapana chakagadzirika, mukoma vakaenda nevhudzi revanhu vose kun’anga,” vanodaro.

Mudzimai waVaTobious Maguchu, Mai Doreen Mwamba (52), vakaudza dare kuti vakapihwa gupuro nekuda kwekuti vakanga varamba kuchengeta mishonga yaiuya nemurume wavo kubva kun’anga.

Mwanakomana mumhuri iyi, Tafadzwa Gabriel (29), aipokana nenyaya dzaitaurwa nehanzvadzi dzake achiti manyepo.

Vamwe vakatsinhira nyaya yekugusiswa vhudzi kwevanhu vemunhuri iyi ndevanoti

Vimbai Maguchu (29), Florence Maguchu (23), Forgiveness Gabriel (33), Ancicallia Maguchu, Nichodimus Maguchu naNebelto Maguchu.

Abudhara, uyo asina kuonekwa neKwayedza, anonzi akazoshevedzwa kudare iri nemusi weSvondo wadarika akabvuma kuti akapa mushonga kuna VaTobious Maguchu.

“Abudhara akati vanhu ava vaiva vatyora mhiko dzaakavapa izvo akati akanga asisakwanise kuvabatsira mudambudziko ravo,” vanodaro Sadunhu Mwanza.

Nyaya iyi inonzi yave kudarikidzwa kudare raMambo Chikwaka.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>