Uncategorized

Toita zviripo, tomhanya zviripo!

10 Nov, 2017 - 00:11 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa —

TOITA zviripo (zviripo)

Tomhanya zviripo (zviripo)

Tiri mafree spirit (ha-ha, hameno)

Tiri mafree spirit (ha-ha, hameno)

Kuita zviripo kunoreva zvinhu zvakawanda. Kunoreva kuteerera kana kusanetseka nekutsvaga zvimwe zviri nani. Asi kuita zviripo hakusi kuita free spirit. Kuita free spirit kureva kuti iwe semunhu unozvinzwa kuti uri hurumende, neparamende nemutongi hweupenyu hwako.

Kana une chaunoda kuita unochiita pasina anokudzora kana anokuudza zvekuita ukamuteerera.

Kana uri free spirit, uri gandanga, hauteerere. Kana uri free spirit unoita zvese zvese. Unogona kufunga zvekudhiraivha mota yako yakananga kuri kubva dzimwe mota.

Unogona kugocha chibage chako muna First Street uchitotengesera nyangwe mapurisa.

Mazuva ano nhubu nendururani dzave kupembedzwa. Vazhinji vechidiki vave kuedza zvinhu zvisingabvumirwe kuti vaone kuti zvikaedzwa zvinoita sei, zvinodambuka here. Vechidiki vave kuita zvisingabvumirwe kuti varatidze kuti mafree spirits!

Hunhu hwatave kuona mazuva ano hunoratidza kusadzidziswa kwevana vachiri vadiki. Asi ivo vana ava vanodzidziswa nani wacho kana ngano dzakapera kare? Vanodzidziswa nani kana chembere dzave kunzi gogaz, idzo dzichitiwo, “Ari sei sei malevels?”

Vanodzorwa nani kana sekuru vave kunzi, “Kule, ndeipi yenyu?” Kule vopindura vachiti, “Iri bhoo!” Anodzidzisa vana ndiani kana madzimai echidiki asisina nguva yekugara pasi vachitaurirana nevana senguva yavainayo yekufamba nekaHonda Fit kavo vachienda kunosonererwa weave? Vana vanodzidziswa nani kana madzimai achiwana nguva yemake-up inenge rwaivhi rwune wivhi?

Vana havasisina anotaura navo kuti, “gara pasi,” “usadaro,” “hauna kuita zvandakuudza.”

Vana vave kurerwa neTV zvekuti vanokuudza kuti kune imwe nyika inonakidza kudarika nyika yetsika nehunhu, kudarika nyika yekugara pasi nekuteerera. Nyika iyoyo iri muTV — mune vasikana vakanaka anaSofia, Cindrella, Barbie nevamwe vavo.

Vana vari kutsvaga mubereki anovatarisa mumaziso vachitaura naye kuti kuchikoro kune musikana ari kutaura kuti kana ukabva zino unofanira kuriisa pasi pepillow rigozouya richitorwa naTooth Fairy. Vana vanoda mubereki anoona navo zvavanoona, kuti agopota achibvunza nekupindura mibvunzo yemwana. TV yega hairere mwana. Hupenzi hwaMr Bean hunosetsa asi hunoda kutsanangurwa.

Vana vari kushaya anovaudza upenyu nezveupenyu nekuti havana munhu anovati dzorai volume nekuti baba namai vakarambana.

Vana vari kurarama upenyu hwavanoona pamafoni ane WhatsApp. Vari kupinda munyika dzine misungo yaSatani inouraya.

Vabereki vachipedza nguva vachiverenga mabhuku kuti vagopuromotwa, kuti kana vapuromotwa vagowana mari yakawanda, kuti kana vawana mari yakawanda vagotenga 100% Brazillian vhudzi rekusonerera mumusoro, kuti vagoverengwawo pane vanhu vakabudirira kuponda nhamo.

Asi nguva yese iyi, vana havana anotaura navo. Kana vana vakange vave kuratidza kusuwa, havanetse nekuti vanongoda chete kuendeswa kunobikwa pizza votengerwa, vodya vachitaura chirungu chavanonzwa paTV.

Vana vanoda anovadzidzisa vachiri vadiki.

Hongu mudzidzisi kuchikoro anodzidzisa, asi iwe mubereki ndiwe unenge une mwana kwenguva yakareba kudarika yemudzidzisi. Mwana anodzidziswa kuchikoro, asi anoumbwa kumba. Kana mukasiya vana vachikura vasingadzidziswe, kutsiurwa kana kurayirwa, zvinozovanetsa kuti vagamuchire chokwadi cheShoko raMwari.

Vabereki vari kutsvaga vanhu vanovarerera nekuvadzidzisira, pamwe chete nekuvaumbira vana vavo. Kana ukabvunza Jesu, ibasa rako kuti udzidzise mwana wako kuti munhu chii, uye chinangwa chemunhu panyika ndechei.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>