‘Torai Pasuwa naChidzambwa’

08 May, 2015 - 00:05 0 Views
‘Torai Pasuwa naChidzambwa’

Kwayedza

VAMWE vatsigiri nevaongorori venhabvu vanoti mutambo uyu unogona kusimukira zvikuru kana shasha mbiri dzekurairidza dzinoti Sunday “Mhofu” Chidzambwa naCallisto Pasuwa vakashanda vose muchikwata chenyika chemaWarriors.

Izvi zvinotevera danho rakatorwa nesangano reZimbabwe Football Association (ZIFA) svondo radarika rekubvisa zvirango izvo range rakatemera Chidzambwa zvekuti asave nechekuita nemutambo wenhabvu zvichitevera nyaya yekutengeswa kwenhabvu nechikwata chemaWarriors, yeAsiagate.

Vaongorori pamwe nevatsigiri venhabvu svondo rino vakapa pfungwa dzavo, vamwe vachiti Mhofu naPasuwa vanofanira kushanda pamwe chete mukusimudzira maWarriors apo Zimbabwe yave kutanga gadziriro dzekuenda kuAfrican Cup of Nations kuGabon muna 2017.

Nerimwewo divi, ZIFA yakafanopa Pasuwa, uyo anove murairidzi wemaYoung Warriors, basa rekutungamirira maWarriors pari zvino kunyangwe zvazvo vasati vanyorerana chibvumirano.

Mhofu, sekuzivikanwa kunoitwa Chidzambwa, ndiye akaita murairidzi wekutanga kutungamira maWarriors kuenda kumitambo yeAfcon uyo yakatambirwa kuTunisia mugore ra2004.

Mutsigiri mukuru wemaWarriors, Chris “Romario” Musekiwa anoti ZIFA inofanirwa kugadza Mhofu semurairidzi wemaWarriors.

Romario anoti anoremekedza zvikuru nhoroondo yakanyorwa naPasuwa kuDynamos uko akahwina mukombe wePremier Soccer League kanokwana kana kakatevedzana asi basa rekurairidza chikwata chenyika rakakura chaizvo.

“Zvatave kutanga gadziriro dzekurwira kuenda kuAfcon 2017 ndinoona sekuti ZIFA ngaipe Chidzambwa basa rekurairidza chikwata chedu nekuti ndiye akamboiendesa pakutanga.

“Mhofu inyanzvi pakurairidza uye tinoziva kuti kana akapinda panyanga tinoenda kuAfcon kuGabon.

“Zifa kana ichida kugadza Pasuwa panyanga hazvina kuipa, asi Mhofu anofanirwa kupihwawo basa rekubatsira Pasuwa nekuti anodzidza zvakawanda kubva kwaari,” akadaro Romario.

Mushamarari wenhepfenyuro yeStar FM ari zvekare shasha pakuongorora mitambo yakasiyana, Godfrey “Chief” Koti, anoti Chidzambwa naPasuwa vakashanda vose zvinoita kuti nhabvu isumukire zvikuru.

“Mhofu vakambozviita uye ndinovimba kuti vanogona kuzviita zvekare. Saka ndinoona kuti vanofanirwa kunge varipo vachibatsira chikwata chedu.

“Kune rimwe divi, Pasuwa anofanirwa kupihwa mukana wake kuti timuone kuti anosvika kupi ari panyanga. Ane nhoroondo yakanaka inoyevedza zvikuru.

“Pasuwa akamboshanda nevarairidzi vakawanda kumaWarriors nekumaYoung Warriors ari mutevedzeri saka ndinoona kunge pamwe ino inguva yake yekuti amborakidzawo,” akadaro.

Kwayedza yakaita hurukuro naPasuwa ndokuti chaanoziva pari zvino ndechekuti murairidzi weUnder-23 sezvo asati anyora chibvumirano chekurairidza maWarriors.

Anoti muhurukuro dzaakamboita neZIFA, akaudzwa kuti ndiye achange achitungamira maUnder-23 asi kana pakanzi pane mitambo yevakuru inoda kutambwa, chikwata chake ndicho chinozomirira nyika.

Abvunzwa kuti angade kushanda naMhofu here kana apihwa basa rekutungamira maWarriors Pasuwa akati: “Panguva ino handikwanise kutaura nezvazvo nekuti basa racho handisati ndapihwa, ndinogona kuzvisungirira.

“Chandinoziva ndechekuti bhodhi reZIFA rakagara pasi vakawirirana zvavakawirana. Ini havasati vauya kwandiri kuzondiudza kuti vafunga zvipi saka kuti nditaure nezvebasa remaWarriors randisina zvinogona kundipinza munyatwa.

“Pari zvino ndingori murairidzi wemaUnder-23 chete, nyaya iyoyo bvunzai (Xolisani) Gwesela, ndiye angakwanise kutaura nezvazvo.”

Mukushi wemashoko weZIFA, Xolisani Gwesela, anoti bhodhi ravo ndiro rinoona nezvenyaya dzekugadza varairidzi vemaWarriors.

Gwesela anoti bhodhi reHigh Performance rakapasisa kuti Pasuwa agopihwa basa iri nekuda kwebasa rinodadisa raange achibata asi kana rikafunga kuti Mhofu auye kuzobatsira, ndiro rine simba rekuzviita.

“Bhodhi redu ndiro rinogadza murairidzi panyanga, kutaura kwatiri kuita uku rakapasisa kuti Pasuwa apihwe basa iri atungamire maWarriors. Saka kana rikazoita mamwe mafungiro ndiro rine simba rekuzviita.

“Vatsigiri vangataure zvavanofunga havo asi isu tinongotevedzera zvinenge zvabva kubhodhi,” akadaro Gwesela.

Zvakadaro, Chidzambwa munguva pfupi yadarika akati gadziriro dzechikwata chemaWarriors dzanonoka kutanga apo akatarisana nekutamba mutambo wavo wekutanga muna Chikumi wekurwira kuenda kuAfcon.

“Gadziriro idzi dzanonoka kutanga chaizvo nekuti maWarriors achasangana nezvikwata zvagara zvichitamba mutambo uyu uye zvakasimba.

“Tave muna Chivabvu apo mutambo wekutanga uri muna Chikumi, tiri kumashure. Ini handisi kuziva kuti chikwata chichashandiswa ndechipi, cheUnder-23 here kana kuti chevatambi vekunze nekuti hatifanirwe kusiya vatambi vakaita saKhama Billiat naKnowledge Musona.

“Vatambi ava tinotarisira kunge vadzoka pakati pemwedzi waChivabvu zvinoreva kuti vachangoita nguva diki vari vose apa vange vapedza gore vasati vambotamba vose.”

Zimbabwe yakaiswa muGroup L umo mune zvikwata zvinoti Guniea, Malawi neSwaziland. Mumutambo wayo wekutanga ichasangana neMalawi mwedzi unotevera kunyika iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>