Tsigirai volleyball: Tanyanyiwa

10 Apr, 2015 - 00:04 0 Views
Tsigirai volleyball: Tanyanyiwa

Kwayedza

MASANGANO akasiyana akakurudzirwa kuti abatsire mukusimudzira chikwata chevanhurume cheZRP Support Unit Volleyball Club mugadziriro dzacho apo chakatarisana nekuenda kumutambo weRegion Five Confederation of African Volleyball Championships kuSwaziland gore rino.

Kurudziro iyi yakaitwa svondo radarika naSenior Assistant Commissioner Officer Commanding Support Unit Mekia Tanyanyiwa, mumashoko avo avakaverengerwa naAssistant Commissioner Anthony Mangezi pamhemberero dzekutambira chikwata chevolleyball icho chakange chaenda kunokwikwidza kuTunisia.

“Chikwata chedu chiri kuenda kunomirira nyika zvekare gore rino kumutambo weRegion Five Confederation of African Volleyball Championships uyo uchatambirwa kuSwaziland muna Zvita.

“Kuti tibudirire kuenda kumutambo uyu tinotoda rutsigiro rwakasimba kubva kumasangano akasiyana.

“Tinokumbira kuti masangano aya atibatsire kuronga zviri mberi nekuti tinoda kuzotumira zvikwata zviviri kuenda kumutambo weRegion Five African Club Championships uchatambwa mugore ra2016,” vakadaro Snr Asst Comm Tanyanyiwa.

Vakakurudzira zvakare masangano anotungamirira volleyball kuti avake nhandare dzemutambo uyu dzemhando yepamusoro kuti zvigozobatsira zvikwata zvavo apo zvinoenda kunokwikwidza kumitambo yakasiyana yekunze kwenyika.

“Regai nditore mukana uno kuti tikumbire kumasangano anotungamira volleyball muno eHarare neZimbabwe Volleyball Association kuti vavake nhandare dzepamusoro kuti dzigoshandiswa nezvikwata zvedu.

“Zvichatibatsira mune ramangwana rezvikwata zvedu apo zvinozonokwikwidza kune mitambo mikuru kunze kwenyika,” vakadaro Snr Asst Comm Tanyanyiwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>