Tsumo nemadimikira namukanya

21 Jun, 2019 - 00:06 0 Views

Kwayedza

NGANO

Mhinduro yesvondo rapera:

Zvikoni zvikoni mimba haibve negosoro.

Pane zvinhu zvisina kureruka kuita zvekuti kubva kana kukanganiswa kwazvo hakusi ny’ore. Sekureva kwetsumo ino, pamuviri hapabve nenzira yakareruka sekukosora. Zvikoni izwi rinobva pana kukona/kutadzika – kureva zvisingaitike.

Zvekuita: Tipe rimwe zita remimba.

 

Mhinduro: nhumbu

* * *

Svondo rino:

Chitsva chiri murutsoka.

Munyika mune zvinhu zvakawanda zvatisingazive. Kana munhu akasafamba achienda kune dzimwe nzvimbo, haana zvaanodzidza kubva kune vamwe. Neimwe nzira tsumo iyi iri kuti “zvinhu zvitsva zvinobva mukufamba”. Kare vanhu vaifamba netsoka, asi nhasi vave kufamba nenzira dzakawandisa.

Zvekuita: Tipe izwi rinopesana nerekuti chitsva.

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey