Uncategorized

Tsuro dzoshomeka. . .nyama yacho yakurumbira

10 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Tsuro dzoshomeka. . .nyama yacho yakurumbira Sangano rinomirira varimi vanopfuya tsuro munyika muno reRabbit Breeders and Producers Association of Zimbabwe rinoti nyama yetsuro yofarirwa zvikuru kudarika yezvimwe zvipfuyo izvo zvave kukonzera kuti dzishomeke zvakanyanya kana zvichienzaniswa nemakore adarika.

Kwayedza

Kingstone Mapupu

SANGANO rinomirira varimi vanopfuya tsuro munyika muno reRabbit Breeders and Producers Association of Zimbabwe rinoti nyama yetsuro yofarirwa zvikuru kudarika yedzimwe zvipfuyo izvo zvave kukonzera kuti dzishomeke zvakanyanya kana zvichienzaniswa nemakore adarika.

Sachigaro wesangano iri VaJonathan Tembo vanoti kare veruzhinji vaiwana nyama kubva kumombe asi kuburikidza nekufa kwadziri kuita nekuda kwezvirwere zvakasiyana-siyana, vanhu vakawanda vava kufarira kudya nyama yetsuro.

“Tine nhengo dziri pasi pesangano redu dzinodarika zvishoma 1 000 apo chikamu chiri pakati nepakati chevarimi ava chichiita basa nemazvo, kuchitiwo vamwe ava havanyatsopfuya tsuro idzi zvakanaka,” vanodaro VaTembo. Vanoti nekushomeka kwetsuro munyika, mahofisi avo ari kugara achinetswa nevanhu vari kuda nyama yetsuro.

Vanoti huwandu hwetsuro dziri munyika haunyatsozivikanwa sezvo varimi vasina nzira chaidzo dzekuunza magwaro anotaridza mawandiro akaita tsuro dzavo kumahofisi avo sezvinoitwa mombe kana zvimwe zvipfuyo.

“Varimi vemombe vanozivikanwa kuti ngana ane mombe dzakawanda zvakadii kuburikidza nemakadhi avo avanoshandisa kuendesa mombe dzavo kumadhibhi, zvino kutsuro hatina zvinhu zvakadaro,” vanodaro.

Vanoti nyanzvi dzezveutano dzinoti nyama yetsuro ine kudya kunopa utano hwepamusoro kunosanganisira mapuroteni kudarika yezvimwe zvipfuyo.

Sangano ravo, vanodaro VaTembo, riri kuramba richipa varimi vetsuro zvidzidzo zvakasiyana nedonzvo rekuvandudza basa ravo.

Vanoti tsuro zvipfuyo zvinobatwawo nezvirwere zvakasiyana-siyana nekudaro vanoshanda nevechikamu cheDepartment of Veterinary Services (VET) mukurwisa zvirwere izvi.

“Saka ikurudziro yedu huru kuti varimi vakawanda vapfuye tsuro sezvo dziine mari yakawanda zvikuru kusanganisira kubva munyama, mumatehwe adzo, muzvitsiko, mumvere uye nhoko dzacho manyowa akanaka zvikuru kuisa mumapindu edu nemuzvirimwa zvakasiyana,” vanodaro.

Munyika muno munochengetwa mhando dzetsuro dzakasiyana dzinosanganisira New Zealand Red, New Zealand White, Angola, Carlifonia White, Chinchilla, Flemisha Giant neZika.

VaGift Jambaya vanopfuya tsuro vari kuWestgate, muHarare vanotsinhira kuti vanhu vakawanda vave kufarira nyama yetsuro.

“Ichokwadi kuti nyama yetsuro yawandirwa zvikuru kureva kuti hatichakwanisa kuwanisa vanhu nyama yetsuro. Seni ndinongova netsuro potse 1 000, handikwanise kuwanisa vanhu vanodzida vose kureva kuti varimi vanopfuya tsuro vanofanirwa kuwanda,” vanodaro VaJambaya.

Vanoenderera mberi vachiti, “Kubva mutsuro tinowana nyama, kubva mumatehwe tinogadzira bhutsu, mabhandi, nguwani, mabhegi nezvimwe zvakawanda.”

PIX: Kupfuya tsuro-10/01/20

Sangano rinomirira varimi vanopfuya tsuro munyika muno reRabbit Breeders and Producers Association of Zimbabwe rinoti nyama yetsuro yofarirwa zvikuru kudarika yedzimwe zvipfuyo izvo zvave kukonzera kuti dzishomeke zvakanyanya kana zvichienzaniswa nemakore adarika.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>