Tsvina yevanhu yaonekwa mumvura iri kunwiwa muHarare

07 Feb, 2023 - 16:02 0 Views
Tsvina yevanhu yaonekwa mumvura iri kunwiwa muHarare Mvura yemuchibhorani

Kwayedza

Emmanuel Kafe

KANZURU yeHarare inoti yakambovharisa zvibhorani 15 mushure mekuona kuti mvura yacho yakasangana netsvina yevanhu izvo zvinopa fungidziro yekuti ndizvo zvinogona kunge zviri mviro-mviro yenyaya dzechirwere chetyphoid dzakawanikwa mune dzimwe nzvimbo dzemuguta iri.

Ongororo yakaitwa pazvibhorani 127 munharaunda yeGlen Norah, Mbare neBudiriro inoratidza kuti mvura inoshandiswako ine tsvina yevanhu uye bhakitiriya rinodaidzwa kunzi E. coli.

Kanzuru yeHarare inoti iri kuongorora nyaya 72 dziri kufungirwa kuti ndedzetyphoid uye vanhu 20 vakavhenekwa vakatoonekwa kuti vane chirwere ichi.

Izvi zvinotevera nyaya zana dzechirwere chemanyoka dzakawanika munaGumiguru gore rapera uye nyaya dzerudzi urwu dzinowanda munguva yekunaya kwemvura

Nyanzvi dzezveutano dzinoti kuwedzera kwezvirwere zvinokonzerwa nemvura muguta iri kuri kukonzerwa nekutadza kwekanzuru yeHarare kupa mvura yemupombi yakachena, kutakurwa kwemarara nekuputika kwepombi dzemasuweji.

Kunyange zvazvo vanhu vakuru vachikwanisa kupora kubva kuhutachiona hweE. coli mukati mevhiki, vana nevakwegura vari panjodzi huru yokuzova nechirwere chinokanganisa kushanda zvakanaka kweitsvo.

Izvi zviri kuuya panguva iyo paine kutyirwa kwekuti cholera inogona kunyuka munyika muno zvichitevera kunyuka kwakaita denda iri kunyika dzinodyidzana neZimbabwe sekuZambia nekuMalawi.

Izvi zvaita kuti Hurumende isimbaradze hurongwa hwayo hwekurwisa cholera nekuona kuti mishonga yaendeswa kunzvimbo dzinonyanyonetsa nedenda iri.

Mukuru anoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere mukanzuru yeHarare, Dr Michael Vere, vanoti zvibhorani zvine hutachiona uhu zvine chekuita nekuwanda kwevanhu vanofungidzirwa kuti vane typhoid.

“Takaongorora zvibhorani zvakawanda muHarare – zvinosvika 127 – tikaona kuti zvinomwe zvacho zvine tsvina yevanhu muGlen Norah nezvibhorani zvisere kuMbare,” vanodaro.

“Takavhara zvibhorani izvi kwenguva pfupi tikaisa mishonga inochenesa mvura nekuuraya hutachiona hwose huri mumvura kuti ive isina njodzi.

“Zvibhorani izvi zvinogona kunge zviri izvo zvaikonzera chirwere chetyphoid,” vanodaro.

“Tiri kushanda nechikamu chedu chinoona nezvekuwaniswa kweveruzhinji mvura kuitira kuti nzvimbo dzine zvibhorani zvakavharwa izvi dziwaniswe mvura,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links