Uhuru Basketball Tournament yoitwa

16 Apr, 2015 - 00:04 0 Views

Kwayedza

KUNENGE kusingadanwe anonzwa svondo rino kutanga musi weChishanu kusvika neSvondo paBelvedere Sports Club, University of Zimbabwe nepaRichwood Sports Club kumutambo weIndependence Day Basketball Tournament.

Mutambo uyu uchange uine zvikwata 62 zvichakwikwidza zvinoti 40 zvevarume pamwe ne22 zvemadzimai.

Aka kachange kari kechipiri mutambo uyu uchiitwa kubva pawakatanga.

Gore radarika, zvikwata zvevarume ndizvo zvega zvakakwikwidza apo cheCameo Man chakasimudza mukombe wemutambo uyu. Zvikwata zvichakwikwidza ndeizvo zviri mumaligi emuHarare eA neB League kozoti zvimwe zvakadanwa kubva kune mamwe mapurovhinzi zvinoti Mercury (Mutare), Lakers neMaverick (Bulawayo) uye neUnicorns (Gweru).

Sachigaro wekomiti yeBob 91 Organizing Committee iyo iri kuronga mutambo uyu, Tendai Zhakata uyo vazhinji vanoziva saT-Burns, anoti achange ari makuwerere svondo rino kumutambo uyu.

T-Burns anoti mutambo uyu wakura kudarika gore radarika.

“Achange ari makuwerere ega svondo rino paBelvedere, UZ nekuRichwood uko kuchange kuchitambirwa mutambo wedu weIndependence Day Basketball Tournament.

“Gore rino mutambo wedu uyu wakura, tichange tine zvikwata zvemadzimai izvo zvichakwikwidzawo. “Svondo rino tine zvirongwa zvakawanda chaizvo zvekufadza vatsigiri vebasketball avo vachauya kuzoona mutambo uyu,” akadaro T-Burns.

Zvakadaro, chikwata chichakunda zvimwe chichahwiniswa mari inosvika US$500, menduru dzegoridhe pamwe nemukombe.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>