Unilever yovandudza zvimbuzi mumaguta

11 Nov, 2016 - 00:11 0 Views
Unilever yovandudza  zvimbuzi mumaguta

Kwayedza

KAMBANI yeUnilever Zimbabwe, iyo inogadzira mishonga yekushambidza zvimbuzi yakaita seDomestos, yakabatsira vagari vemumusha weSunningdle, muHarare, nekuvandudza chimbuzi chikuru chiri panzvimbo yezvitoro icho change chave nenguva refu chisingashande.

Vachitaura svondo rapera mushure mekumema chimbuzi ichi paSunningdle 2 Shopping Centre, meya weguta reHarare, Kanzura Bernard Manyenyeni, vanotenda mushandirapamwe uri pakati pemakambani nemasangano akazvimiririra mukutsigira zvirongwa zveutano zvinova zvinobatsira raramo yeveruzhinji.

“Tinokurudzira vanhu vari kuita mabhizimusi kuti vave nemoyo mumwe wekurwira kusimudzira budiriro munyika muno, zvikuru nyaya dzeutano sezvaitwa pano apo veruzhinji vemuSunningdle vawaniswa zvimbuzi zvakanaka.

“Kana tikashanda pamwe, tinosimudzira guta neutano hwedu,” vanodaro Kanzura Manyenyeni.

Basa iri rakatanga mugore ra2015 nechinangwa chekuvandudza zvimbuzi zvinoshandiswa neveruzhinji munyika yose apo kambani yeUnilever iri kushanda nemakanzuru akasiyana.

VaHilary Muzondiwa, avo vanova managing director weUnilever, vanoti kambani yavo yakavambwa muna 1890 iine chinangwa chekuona kuti nzvimbo dzigare dzakatsvinda pamwe nekusimudzira zveutano.

“Gore rino takavandudza zvimbuzi zvishanu mumaguta mana uye tiri kutarisira kuti mukupera kwegore ra2016 vanhu vanodarika 700 000 vachange vabatsirikana kuburikidza nezvirongwa izvi,” vanodaro VaMuzondiwa.

Vanoti nyaya dzeutano ikodzero yemunhu wose.

“Pasi rose, vanhu vanodarika 2,5 bhiriyoni vari kurarama vasina zvekushandisa zvinosimudzira utano hwavo zvakakwana.

“Izvi zvinokanganisa nyaya dzeutano apo zvirwere zvakaita semanyoka, cholera, typhoid nezvimwe zvinowanikwa zvichipararira.

“Kubudirikdza nekushandisa mishonga yakaita seDomestos inova inobatsira mukuuraya makonye nemajemisi ayo anowanikwa mumvura kana muzvimbuzi, tinoona tichikwanisa kuzadzikisa zvinangwa zveUN Global Goal zvinova zvinotarisa kuwaniswa kwemvura yakakwana nekusimudzirwa kwezveutano,” vanodaro.

Kambani yeUnilever iri kurwisa huchapa munharaunda dzakatsaukana pamwe nekufamba ichikusha mashoko echenjedzo ezveutano zvinova zvinotarisirwa kubatsira vanhu vanosvika 25 miriyoni kuti vange vachiwaniswa zvimbuzi pasi rose.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>