Uncategorized

‘Usaite chiname neni’

01 Jun, 2018 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Janet Chari
MUMWE mukadzi anoti aimbove murume wake ave kuita “chiname” naye sezvo ari kuramba achienda kwaave kugara achinoita ruzha pakati pehusiku. Mildred Tsavanhu akaendesa Andrew Mhumhi kudare reHarare Civil Court achiti amushaisa rugare.

“Anouya kumba kwangu pakati pehusiku achiita ruzha zvekuti kunyangwe muridzi wemba yandinogara haachatofara nazvo, ave kuda kutondidzinga pamba,” anodaro Tsavanhu.

Anoti Mhumhi anouya kumba kwaari kugara chero nguva yaafunga achiti vanofanira kubvarura mifananidzo yavakambotorwa vachiri kugara vose.

“Anondionesa moto murume uyu, pamwe pacho akauya kunze kwave kuedza achiti muka tidamburirane mifananidzo yedu,” anodaro Tsavanhu.

Mhumhi anopokona naTsavanhu achiti haamushungurudze asi kuti anoenda kwaanogara achida kuona vana vake.
“Haachadi kundiona nekuti ave kuita chipfambi nevamwe varume asi tanga takabvumirana kuzogara tese,” anodaro Mhumhi.

Anoenderera mberi achiti, “Zvimwe zvose zvekunetsana zvaauya nazvo kudare izvi zvakaitika kare tikatogara pasi ndikakumbira ruregerero tikatoronga kuti tichazogara tose munguva pfupi inotevera.

“Mwana akandiudza kuti mai vave kuuisa vamwe varume kumba zvinova zviri kumushungurudza, ndokusaka ndakaenda husiku hwaari kureva. Ndaida kutaura naye kuti azive kuti mwana haasi kufara nezvaari kuita sezvo achiziva kuti ndiri kutsvaga imba yekuti ndivatore, tizogara tose.”

Mutongi Manasse Musiyiwa akapa Tsavanhu gwaro rerunyararo ndokuti Mhumhi haafanire kuenda kumba kwaTsavanhu asina kukokwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>