Vabatwa Covid vava kuwanda

08 Dec, 2021 - 18:12 0 Views
Vabatwa Covid  vava kuwanda Dr Mahomva

Kwayedza

Tandayi Motsi

VANHU vashanu vakafa neCovid-19 nemusi weChipiri apo vamwe 4 031 vakawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere ichi mushure mekuvhenekwa muZimbabwe izvo zvinoratidza kuti denda iri pari zvino riri kukwira munyika muno.

Magwaro anoburitswa pazuva nebazi rezveutano nekurerwa kwevana anoratidza kuti huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi uye nevari kufa huri kukwira kana zvichienzaniswa nenguva pfupi yadarika.

“Nyaya itsva 4 031 dzevanhu vakabatwa nedenda iri (vose vagara vari munyika muno) nevashanu vakafa dzawanikwa nhasi (Chipiri),” rinodaro bazi iri.

Nemusi weMuvhuro svondo rino, vanhu vatatu vakafa neCovid-19 apo vamwe 2 555 vakawanikwa vaine chirwere ichi mushure mekuvhenekwa munyika yose.

Koti nemusi nemusi weSvondo, munhu mumwe chete akafa nedenda iri apo vamwe 523 vabatwa naro.

Mamiriro ezvinhu aya anoratidza kuti huwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine denda iri uye nevari kufa huri kukwira.

Hurumende iri kutora matanho akasimba ekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Matanho aya anosanganisira kukurudzira veruzhinji kuti vabaiwe nhomba, vapfeke mamasiki nenzira kwayo yekuvhara muromo zvose nemhuno nekusaita chitsokotsoko.

Kusvika nemusi weChipiri, vanhu 3 896 589 vange vabaiwa nhomba dzekutanga (1st dose) dzekudzivirira chirwere cheCovid-19 apo 2 910 953 vange vabaiwa dzose, dzekutanga nedzechipiri (2nd dose).

Zimbabwe ine chinangwa chekubaya chikamu che60 percent kana kuti vanhu vanosvika 10 miriyoni panopera gore rino kuti nyika inge yakadzivirirwa kubva kuchirwere ichi.

Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 145 632 vange vawanikwa vaine denda iri mushure mekuvhenekwa kubvira parakatanga munaKurume wegore rapera,

Pavarwere ava, 129 006 vakatopona asi vamwe 4 718 vakafa.

Dr Agnes Mahomva, avo vanova Chief Co-ordinator weCovid-19 mumahofisi emutungamiriri wenyika nedare reCabinet, vanoti Hurumende iri kusimbaradza matanho ekurwisa chirwere cheCovid-19.

“Tiri kuenderera mberi nekuona kuti tasimbaradza matanho edu uye tikadaro, mamiriro ezvinhu haazonyanya kuipa sepakanyuka chikamu chechitatu (third wave). Pane budiriro huru yavepo.

“Kuvhenekwa kwechirwere cheCovid-19 pakutanga kwaiitwa pachidanho chenyika asi pari zvino kwave kuitwa mumadistricts ose ari 52,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>