Vakachererwa chibhorani neChina Aid

17 Jun, 2016 - 00:06 0 Views
Vakachererwa chibhorani neChina Aid Vamwe vana vekuMbire vachichera mvura pachimborani nguva pfupi yadarika. - Mufananidzo: Muchaneta Chimuka

Kwayedza

Vamwe vana vekuMbire vachichera mvura pachimborani nguva pfupi yadarika. - Mufananidzo: Muchaneta Chimuka

Vamwe vana vekuMbire vachichera mvura pachimborani nguva pfupi yadarika. – Mufananidzo: Muchaneta Chimuka

Kwayedza svondo rapera yakashanyira dunhu iri ndokuita hurukuro nevamwe vagari veko.VAGARI vekunzvimbo yemabhizimisi yeMahuhwe, kwaShe Chitsungo, kuMbire, avo vange vakatarisana nedambudziko remvura yekushandisa pamwe neyezvipfuyo vachabatsirikana zvichitevera chibhorani chakacherwa nesangano rakazvimirira reChina Aid.

“Nzvimbo ine mabhizimusi ino yakakura asi pange pasina mvura yekunwa saka vanhu, mhuka dzesango nezvipfuyo taingosangana kurwizi uko taichera mifuku zvinova zvisina utano. Kucherwa kwechibhorani ichi kwabatsira kuti tiite mabhindauko edu zvakanaka. Sezvamunoona, tine mabhizimusi anoita nezvenyama, kubika nezvimwe zvinoda mvura inomhanya yemupombi,” vanodaro Mai Tatenda Mwendera (35) avo vane bhizimisi uku.

VaJoseph Garapasi (65) vanotiwo kudai vamwe vatsigiri vabatsira kusimudzira nzvimbo yavo nekuti ichakasaririra shure.

“China Aid yabatsira zvikuru nekuti muno munopisa kunyangwe munguva yechando saka vanhu nemhuka vanoda kugara vachinwa mvura. Mvura yemurwizi haina utano nekuti iri mumasango anoitwa zvimbuzi nevamwe saka kunwa tsvina bedzi.

“Tinongochema kuti zvibhorani zvacho zvishoma nekuti nzvimbo ino yose ndichochi bedzi chibhorani kureva kuti kana chikafa panoita dambudziko,” vanodaro.

Tendai Zingizi (25) anoti madzimai nevanasikana vari panguva yakaoma apo vanofamba nzendo refu kunochera mvura.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey