Uncategorized

Vakadzi nevarume vopera . . .

30 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Vakadzi nevarume vopera . . .

Kwayedza

 — nyoka inoda ‘zvinhu’

— ‘Inoshinha nesu’ — ‘Tava kutozvida’

Kingstone Mapupu —
VAKADZI nevarume vangangosvika 200 vekwaMambo Svosve, kuMarondera, vanonzi vari kuoneswa pfumvu nenyoka — iyo yavanoti inoda “zvinhu” samare vachiti iri kushinha navo vose pamadiro.

Mashura aya anonzi ari kuitika kuWard 19 yekuDhirihori. Nyaya iyi yakafumurwa nemamwe emadzimai emudunhu iri avo vanoti vaoneswa chakati tende nechikara ichi mushure mekunge yambovanzwa kwenguva refu.

Mai Gladys Njaka (40) vemubhuku raMutsahuni vanoti mumwe wevari kuoneswa nhamo vachiitwa mukadzi nenyoka iyi.

“Hapana chekuvanza apa, kuno kune munhu ane nyoka yatipedza tose kutiita vakadzi vayo. Haisarudze — varume nevakadzi, kana vasikana nevakomana — tose tapfidza.

“Inongoita bamba zonke, madzibaba nemadzimai tafanana uye haina kuti inguvai — kana masikati tinonzwiswa,” vanodaro Mai Njaka.

Vanoti nyoka iyi inopindira vanhu kana dai varere mumagumbeze.

“Sesu vakadzi, unotanga kunzwa kunanairwa nechinhu chinotonhorera nekumakumbo nekusikarudzi kwako, wotonzwa kuti wapedzwa newe — kuita kunge murume pachake iyo iri nyoka. Kunyangwe ukada kutiza panzvimbo yaunenge uri, hazvipere,” vanodaro.

Vanoti vanhurume nevanhukadzi vangange vari kuoneswa moto nenyoka iyi, iyo yavasati vanyatsoona nemaziso avo, vanogona kudarika mazana maviri sezvo vachingonzwa kuti, “Ndizvo zvandiri kuitwawo”.

“Nyoka iyi ichakonzera kuparara kwedzimba dzevakaroorana nekuti mukadzi kana murume akangoshinha nayo bedzi, anotanga kusviba moyo zvekusada mumwe wake,” vanodaro.

Saivo, vanoti ndizvo zvave kutoitika kwavari.

Mai Njaka vanoenderera mberi: “Izvi hazvina nguva, nyoka iyi inogona kungokubata masikati machena kana husiku. Kazhinji tikaenda kutsime kwatinoungana takawanda sevakadzi nevarume, munongonzwa zvatanga muri ikoko — mumwe nemumwe achitoti ‘neni, neniwo’.”

Kana zvazvo Kwayedza isina kuona umboo hwezviri kutaurwa nevanhu ava, vanoti kune mamwe madzimai ari kubata mimba asi dzichiparadzika zvisinganzwisisike kana kubara vana vakafa kana vakaremara mitezo, izvo zvavanoti zviri kukonzerwa nenyoka iyi.

Kuti vazoziva kuti aya mabasa enyoka, vanhu ava vanoti vakanzwa nemumwe tsikamutanda akamboendako, izvo zvavanotizve zvinogara zvakatsinhirwa nemaporofita.

VaIan Nyahuye (45) vemubhuku raTinapi vanoti dambudziko ravakatarisana naro iri rinoda magodobori.

“Rwendo rwuno varume vemuno tazochipiswa nenyoka iyi, iri kutiita vakadzi vayo pamadiro – kana ndicho chamunoti chingochani here. Tose nemadzimai edu tapera. Hushasha hwese hwevarume vekuno hwapedzwa nenyoka iyi, ndisu tave vakadzi manje.

“Haisarure, munhu wose iri kukecha zvekuti unotonzwa pamwe uchiyamwiwa zvinovaraidza kusikarudzi yako asi nyoka iyi hauione,” vanodaro VaNyahuye.

RACHEAL BEZZEL

Mai Maria Marizani (34) vemubhuku raMasiyambiri vanotsinhira vachiti nyoka iyi yavapedza.

“Iyi haisi ‘secret’ muno, nyoka iyi yatienzanisa ‘size’ nevarume vedu, tose tave kupfeka marokwe. Iyo ndiyo yava murume chete muno. Vamwe varume vave kupata misha nekuda kwayo,” vanodaro.

Varidzi venyoka iyi vanonzi vanombobatwa “kumweya” zvichinzi murume nemudzimai wake avo vanoishandisa semushonga wedivisi rekurima.

“Nekuda kwedambudziko renyoka iyi, mamwe madzimai nevasikana havachagumi kutevera. Zvinonzi ropa nembeu zviri kutorwa nenyoka iyi zvichinoiswa mukadende kanoiswa mbeu dzose dzekurima, izvo zvinoita kuti varidzi venyoka iyi vatore zvirimwa zvevamwe zvichiri muminda yavo nemumatura,” vanodaro Mai Marizani.

Vanoenderera mberi vachiti: “Nhasi chaiye (neMuvhuro svondo rino) nyoka iyi yandiita zvainoda kusara ndarukutika muviri wose dakara kunze kwayedza. Handina kana kurara. Tinokumbira n’anga kana maporofita vanogona kuti vatinunurewo. Kutaura kuno murume wangu akatonditiza pano pamusha nekuda kwenyoka iyi ndikasara nevana 4. Iyo ndiyo yasara yave baba vepamusha — murume wangu.”

Mai Rachel Bezzel (39), avo vanogara mubhuku raChipanga, vanoti nyoka iyi inonyanya kutanga nevanhurume.

“Sekuziva kwangu, nyoka iyi inonyanya kuda bonde nevarume nevakomana. Uku kuitira kuti vatize misha, iyo yosara yoita madiro nesu vakadzi. Pane nguva yekuti ukafamba mumisha umu unowana varume vose varere masikati machena, vakaneta kwete nebasa asi nekuitwa vakadzi,” vanodaro.

Mai Esmerry Kachale (47) vemumusha waZenda vanoti kungava kunyeperana kana pane munhu wemunzvimbo yavo anoti haasati aitwa mukadzi nenyoka iyi.

“Kufadzana nenhema kunzwa munhu anoti haana kupedzwa naye nenyoka iyi muno. Tapfidza, tinoda kubatsirwa. Tave kutozvifarira, kushinha nenyoka iyi kudarika vanababa nekuti ivowo havasisina simba, vangova varume vemazita nekufuga magumbeze navo bedzi,” vanodaro, dzimwe nguva chiso chavo chichimboratidza kugumbuka.

Nyoka iyi inonziwo inotora mari mudzimba uye Mai Kachale vanoti vanogara vachishaya mari muwodhiropu yavo. “Murume wangu anovaka, saka anounza mari asi hatimboona chainoita.”

Matsai Arumando (28) wemubhuku Zenda anotsinhirawo kushungurudzwa kwavari kuitwa nenyoka iyi.

“Kana twayo twakasvika, nyoka iyi inogona kuswerera nemi kudakara husiku. Hamheno kana dzakawanda asi kwatinofamba inonzi imwe chete.

MARIA MARIZANI

“Kana zvikatangira patsime patinochera mvura, tose tinopedzwa nesu uye kana nguva iyi yatanga, unoona vanhu nekunyarara – vangoti pfuruzuzu vachiteerera miviri,” anodaro.

Anotsinhirawo kuti vave kutofadzwa nezvavanoitwa nenyoka iyi kudarika nevarume vavo.

“Kuno kwakarema, vanokwanisa tibatsireiwo. Izvozvi tine mugwagwa unodambudzira kuenda kunzvimbo yemabhizimisi yeDhirihori uko vakadzi kana vasikana vakangofamba nawo unotobva wangotevera uchangobvako,” anodaro Arumando.

Mamwe matambudziko anonzi anosanganikwa nawo nevagari veuku kurwadziwa nemakumbo achipisa nekuzvimba.

Zvakadai, Sekuru Friday Chisanyu, avo vanove mukuru wesangano rinomirira varapi vechivanhu reZimbabwe National Practitioners Association, vanoti vanhu ava vanofanirwa kubatsirwa nevanoziva.

Sekuru Chisanyu vanoti iyi haisi nyoka, asi kuti chikwambo chekutsvagisa mari neupfumi.

Kune vanoda kubatsira vanhu ava vanogona kuridza nhare dzinoti 0783 399 448, 0784 492 280 kana 0771 455 593.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>