Uncategorized

vakarumwa nemadzvinyu parufu

29 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
vakarumwa nemadzvinyu parufu

Kwayedza

— Nyoka dzichingovhiringidza vanhu
— Mwana wemufi ndiye puu ndokufa

Lizzy Mushoriwa —
VANHU vaive parufu rwemumwe murume kwaNyadire, kuUzumba mudunhu reMashonaland East nguva pfupi yadarika vanonzi vakaita rurasademo vachitiza apo vakangotanga kurumwa nemadzvinyu ayo akangoerekana azara chivanze chepamusha.

Panguva imwe cheteyo, nyoka dzaingoonekwawo mukati meruzhinji, hama neshamwari dzemufi dzikapera kuita batai-batai dzichitiza. Sezvinonzi izvi zvishoma, mwanasikana wemufi akangodonha ndokufa apo aibikira vanhu vaive parufu rwababa vake sadza.

MUSHA

Manenji aya akaitika kumhuri yekwaKuguyo igere mubhuku raChikoto, pasi paMambo Njajina zvichitevera kufa kwaVaRobert Kuguyo (60). Achitsanangura mashura avakasangana nawo, Nomatter Kuguyo (36) anoti baba vake pamwe nemukoma wake, Constance Kuguyo (45), vakashaika zvisinganzwisisike.

“Baba vakafa netsaona yemumugwagwa uye pavanhu vose vaiva mukombi, ndivo bedzi vakafa mushure mekuchekwa huro negirazi. Pamusoro peizvi, tichibva kunoviga baba, sisi vangu Constance vakangodonha ndokutoshaika. Tiri kufunga kuti uku kuroyiwa chaiko. Pane vanhu vari kutishinhirira mukurarama kwedu,” anodaro Nomatter.

Anoti panhamo yababa vavo, vanhu vaivepo vakaoneswa ndondo nemadzvinyu ayo aivaruma nekuvananaira ukuwo nyoka dzemhando yenyamugungurutswe dzichingofamba pose pose izvo zvakazoita kuti vanhu vatize.

“Vanhu vakaona mashura chaiwo apo madzvinyu ane miswe yegreen ainanaira achivaruma zvekuti pane vamwe vakapwanya magirazi emota dzavo vachitiza.

“Ini chaiye ndakapindwa muhembe nemadzvinyu aya ndikazobviswa nemunin’ina wangu. Chero mubhazi reimwe kambani inobatsira mukuviga vafi iro raive ratakura vanhu kuvauyisa kurufu rwababa, madzvinyu aya aivamo achivhiringidza vanhu,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti: “Panguva imwe cheteyo nyoka dzemhando yenyamugungurutswe takadziona dzichingotenderera pose-pose. Asi vamwe vaivapo (mazita tinawo) vaingoti tisiye dzakadaro zvinova zvinotipa mubvunzo wekuti ko sei vaidaro pane kuti dai takadziuraya?”

Nomatter anoti anogara achirota zvinhu zvinotyisa uye kungorwara zvisina tsarukano.

“Ndinorota zvinotyisa, pamwe ndinenge ndichigurwa musoro, pamwe ndichimhanyiswa nevanhu vandisingazive uye kungorwara zvisina tsarukano. Tinoda kubatsirwa kuti vari kutiroya vasiyane nesu,” anodaro.

Mashoko ake anotsinhirwa nemunin’ina wake, Muchaneta Mushure (26) achiti Constance akangodonha ndokufa apo aibika sadza panhamo yababa vavo.

“Ichokwadi, Constance akangodonha ndokufa. Mushure mekufa kwababa, imbwa dzakatanga kurumana kusvika makuseni zvekuti takazotobvisa chitunha chake nekuti imbwa dzaida kuchidya. Izvozvi tiri kungorwara, tave kufunga kuti kuroyiwa bedzi.

“Vakuru vedu (mazita tinawo) takavati ngatifambei vakati hapana chekufambira inguva yaMwari. Asi isu takazofamba toga ndokuudzwa kuti kuroyiwa uye mumba medu muri kudiwa mitumbi mishanu kuti ropa revanhu vari kutiroya rikwane,” anodaro Muchaneta.

Anoti mumba mavo chete ndimo mune dambudziko rekungofirwa.

“Sabhuku vedu Chikoto vakatombotiti tifambe nekuti kana naivo vakashamiswa nerufu urwu uye zvakaitika – zvemadzvinyu nenyoka nekusofa kwasisi. Asi isu sevana, hapana chatinokwanisa kuita sezvo tasara naamai chete. Vanotodawo kuti tibatsirwe nemaporofita kana nen’anga, kunyanya vaya vanoita zvekudzorera,” anodaro Muchaneta.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>