Uncategorized

Vakatyora chikomba chehanzvadzi gumbo

16 Mar, 2018 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MUKOMA nemunin’ina vekunzi vakakutsirana kurikita mukomana anodanana nehanzvadzi yavo zvekusvika pakumutyora gumbo nesimbi senzira yekumumanikidza kuti atizire kwaari vakaigochera pautsi zvichitevera kumiswa kwavakaitwa mudare.

Welcome Mupararano (27) naIan Mupararano (25) vekuRipplemead Farm, kuBeatrice, vakamiswa pamberi pemutongi Oliver Mapfumo wedare reChitungwiza Magistrates Courts vachipomerwa mhosva yekurova Terrence Mupandasekwa (24) anova murimi uye arizve muvakidzani wavo.

Mutongi Mapfumo akati vaviri ava vadzoke kudare munguva pfupi iri kutevera apo kutongwa kwenyaya yavo kuchaenderera mberi.

Muchuchisi Tatenda Mukatera akaudza dare kuti nomusi wa10 Kukadzi gore rino munguva dzemanheru, vasungwa ava vakaenda kumba kwaMupandasekwa vachiperekedzwa nehanzvadzi yavo – Gamuchirai Mupararano (20) – iyo anova shamwarikadzi yemumhan’ari.

Vasvika pamba apa, Gamuchirai anonzi akagugudza musuwo, mukomana wake uyu achibva abuda.

Kusina nguva, Welcome anonzi akabva atora simbi ndokumutema pagumbo rerudyi zvikaita kuti apunzikire pasi.

Achiri pasi kudaro, Welcome naIan vanonzi vakabva vaita mushandirapamwe kurova mumhan’ari nesimbi mumakumbo ese nemuviri zvikaita kuti atyoke gumbo rekuruboshwe. Mushure mekuona kuti vakanga vamukuvadza, vanonzi vakabva vadzokera kumba kwavo vachimusiya akati rapata kurara pasi.

Magwaro ekwachiremba akavheneka Mupandasekwa ari kuburitswa mudare seumboo uye anoratidza kuti akasara aine mavanga mumuviri uye ropa rakadunduvira muziso reruboshwe.

Gamuchirai anoudza dare kuti hanzvadzi dzake dzaida kuti atizire kuna Mupandasekwa.

“Hanzvadzi dzangu mbiri idzi dzakanga dzichida kuti nditizire mumhan’ari uyu mushure mekunge vaziva kuti ndinodanana naye,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>