Vakomana vopangwawo mazano

18 Oct, 2022 - 09:10 0 Views
Vakomana vopangwawo mazano Obey Mukorera

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

ZVICHITEVERA kuwanda kwemasangano anotsigira vanasikana ayo anosanganisira Sister 2 Sister, Zimbabwe Community Health International Research Project (ZICHIRe-BC) yakaumba boka rekutsigira vanakomana maringe neutano hwavo hwesikarudzi uye kupanga mazano rinodaidzwa kuti Brother 2 Brother.

National AIDS Council (NAC) ndiyo iri kutsigira chirongwa ichi.

Boka iri rine vanakomana vanobvira pamakore 10 kusvika 24 ekuberekwa.

“Tine vabatsiri vevana ava vanova varume vabva zera avo vatadzidzisa kuti vakwanise kuzopakurirana mashoko echinjedzo navo. Vanakomana kazhjinji tinoona vachisiiwa munyaya dzekuwaniswa mashoko nerumwe rutsigiro kana zvichienzaniswa nevanasikana avo vanoitirwa zvirongwa zvakawanda nevatsigiri.

“Saka takaona zvakakosha kuti tivhare mukaha uyu unoratidza kusaenzaniswa kwemikana pakati pevakomana nevasikana.

Vanakomana vane kodzero dzakangoenzana nevasikana saka vanofanira kutariswa muzvirongwa zvose zvine chekuita nebudiriro yavo kuti nyika yedu isimukire,” anodaro Obey Mukorera uyo anova murongi kusangano reZICHIRe- BC achitaura ari kuHopley svondo rapera.

Anoti masangano haafanire kufuratira vanakomana nekuti kunyangwe panyaya dzekunyuka kwezvirwere zvepabonde zvakadai seHIV nezvimwe, bonde racho rinoitwa pasina dziviriro rinosanganisira mukomana nemusikana.

“Kana mwanasikana azoita pamuviri, kazhiji kacho ndipo patinozonzwa mwanakomana ava kutsvagwa achinzi ndiye akakonzeresa. Tinopedza chete dambudziko rekumitiswa kwevanasikana kana tichidzidzisawo vanakomana maringe nezvekukosha kwekurera mhuri.

“Kushandiswa kwemakondomu kunonunura vana vedu kubva pakuitisana pamuviri pasina kurongeka, uye kutapurirana hutachiwana hweHIV. Pachirongwa chino cheBrother 2 Brother, tine vamwe vanakomana vari kupa huchapupu hunorwadza apo vari kudemba kuti kudai vakawaniswa dzidziso maringe nenyaya dzekurera mhuri uye zvekushandisa vangadai vasina kumitisa vana vevaridzi,” anodaro Mukorera.

Vanakomana vekwaMachipisa vachitamba nhabvu

Anoti rimwe dambudziko rakatarisana nevechidiki nderekutorwa kwezvinodhaka.

“Nyaya dzekutorwa kwezvinodhaka dzakawanda zvikuru muno muHopely asi vamwe vakatoregedza nekuti vava kuziva kuipa kwazvo. Kana tikaregedza vanakomana vachitora zvinodhaka, ndivo zvekare vanozofurira vasikana vavo vopedzisira vavabata chibharo.

“Tiri kuedza kuderedza matambudziko ekunyuka kwezvirwere zvitsva zveHIV, mhirizhonga uye kutorwa kwezvinodhaka nekupa vana dzidziso. Vabereki vazhinji vari kufara nazvo nekuti vamwe vana vakanga vasisatsiurike,” anodaro.

Mukorera anoti vabatsiri vevanakomana ava vanosvika 25 vari munharaunda iyi (Bother 2 Brother Mentors) vanovaitisa mitambo yenhabvu, kuimba senzira yekuti vawane zvinovavaraidza kuti vasiyane netsika yekumhanyira kupinda pabonde, kuba uye kutora zvinodhaka, pakati pezvimwe zvakaipa.

“Tinovadzidzisa kukosha kwekushandisa dziviriro yekondomu kune vaya vava kupinda munyaya dzepabonde asi vadiki zvakanyanya tinovafundisa kuti vazvibate. Dzidziso yedu inofambirana nemazera saka tinopanga vakapatsanurwa.

“Kune vamwe vanakomana vakatozopedza Fomu 4 vatova vanababa, hatizvikurudziri nekuti zvinoshungurudza vabereki uye mwanasikana anobva asiira chikoro panzira,” anodaro.

VaTichaona ndivo mentor weBrother 3 Brother kuSouthlands neHopely muHarare.

Succeed Magatsi (24) wekuHopley anoti akatanga kutora zvinodhaka aine makore 21 ekuberekwa mushure mekufurirwa neshamwari.

“Pwere padzinoyaruka dzinoda dzidziso maringe nekuzvibata kuti vasamhanyire nyaya dzepabonde vasati vava neruzivo rwedziviriro yezvirwere zvepabonde kana kuita pamuviri pasina kurongeka. Ini ndaingotiwo kana zviya ndikaenda pakaungana vanhu votanga kutambidzana fodya yembanje, mitoriro nezvimwe, ndobva ndangotambirawo nekuti ndainyara kuramba.

“Chakazova chijairira ndichibva ndatotanga kutenga ndega. Ndaidherera vabereki zvekuti pose pavaitaura neni vaitotaura nemhepo sezvo ndaitoramba ndichiita zvandaifunga kuti ndizvo zvakandinakira,” anodaro.

Tinotenda (22) (risiri zita rake chairo) anoti aibatsirana neshamwari dzake kushinha nemusikana mumwe chete.

“Ini zvebonde ndakazvitanga ndiine makore 18 ekuberekwa apo ndakangochiva mumwe musikana panguva yataituhwina tiri kuchikoro. Musikana uyu ainge akanaka asi aiva nemukurumbira wekupinda pabonde nevanhu vakawanda.

“Saka ini neshamwari dzangu dzinosvika sere taiita zvijana zvekupinda naye pabonde. Zvose izvi taizviita pasina dziviriro nekuti hataiziva.

“Asi ndinotenda Mwari pandakanovhenekwa mushure mekupinda muchirongwa chino ndakaonekwa ndisina HIV.

“Musikana iyeye akazoita pamuviri akange onenedzera ini asi ndakaramba, ndakazongogumisira kunzwa kuti ava kugara kuBindura uye ava nemwana musikana. Kutizira kwaainge ave kuita kwandiri ndakanzwa kuti ainge atombopotera kune vamwe vakomana vanova shamwari dzangu murudo rwedande-mutande,” anodaro.

Tinotenda anoti adzidza zvakawanda muboka reBrother 2 Brother nekudaro haachaite bonde nemunhu waasingazive paamire maringe neHIV.

Misheck Chiranga

Misheck Chiranga anoti sevakomana vechidiki, kudzimba kwavanogara hakuchina vanasekuru chipangamazano sevaiveko kare avo vairaya maringe nenhau dzekuyaruka nekudaro vava kutopona nemasangano akadai seZICHIRe-BC muzvirongwa zvavo zveBrother 2 Brother.

Chirongwa cherudzi urwu chatekeshera kune dzimwe nzvimbo dzenyika dzinosanganisira kwaMachipisa, kuHighfield uko vechidiki vanoitiswa mitambo yenhabvu nezvimwe zvidzidzo zvinoita kuti vachengetedzeke.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>