Vana 5 miriyoni vari kubaiwa majekiseni

17 Sep, 2015 - 00:09 0 Views
Vana 5 miriyoni vari kubaiwa majekiseni

Kwayedza

HURUMENDE ichatanga chirongwa chekubaya majekiseni ekudzivirira chirwere chegwirikwiti kuvana vanosvika 5 miriyoni vane makore ekuberekwa anobvira pamapfumbamwe kusvika pa15 pakupera kwemwedzi uno.

Kubaiwa kwemajekiseni e”rubella” ne”measles” ayo anozivikanwa nekuti MMR vaccine, kuchaitwa pamwe chete nekupihwa kwechikafu chine Vitamin A kuvana vane mwedzi mitanhatu yekuberekwa.

Kudya uku kuchapihwa mushure memwedzi mitanhatu yoga-yoga kusvikira vana ava vasvitsa makore mashanu ekuzvarwa.

Chirongwa ichi chichaitwa kubva musi wa28 Gunyana kusvika 2 Gumiguru kunzvimbo dzose dzinorapirwa varwere munyika.

KuMashonaland West kuchabaiwa vana vanosvika 680 509.

Mushandi webazi rezveutano nekurerwa kwevana, health education and communication officer kuMashonaland West, VaGeorge Kambondo, vakataura pamusangano wekurwisa gwirikwiti kuChinhoyi nemusi weChishanu svondo rapera kuti matanho ari kutorwa ekuona kuti vana vose vabaiwa majekiseni aya.

Mashonaland West ndiyo yakave nenyaya dzakawanda dzechirwere che”rubella” icho chinozivikanwa zvakare seGerman Measles muna 2014, zvikuru pachikoro cheSandringham Primary School muna Chikunguru wegore iri.

Nyaya dzechirwere ichi dzazivikanwa pari zvino mudunhu iri dzinosvika 10.

VaKambondo vanoti pane matanho ari kutorwa zvakare kuitira kuti vamwe vanhu vasingade kuti vana vavo vabaiwe majekiseni nekuda kwezvikonzero zvakaita sezvitendero vanzwisise kukosha kwechirongwa ichi.

Vakafanobata chigaro chemukuru wezveutano kuMashonaland West, Dr Gift Masoja, vanoti sedunhu, vakagadzirira chirongwa ichi.

“Hatikwanisi kumanikidza vamwe vasingade zvirongwa zvakadai vakaita sevechipositori, asi kuti tinokwanisa kuvadzidzisa pamusoro penjodzi yekusabaisa vana vavo majekiseni enhomba aya,” vakadaro Dr Masoja.

Mukuru anoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Portia Manangazira, avo vanove epidemiology and disease control director, vakatsinhira nezvechirongwa ichi kunyangwe zvazvo vasina kuda kutaura zvakawanda pamusoro pacho.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>