Vana vakachengetedzeka: ZAS

29 Aug, 2023 - 18:08 0 Views
Vana vakachengetedzeka: ZAS Dr Matibiri

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SANGANO reZimbabwe Agricultural Show (ZAS) rinoti zvichitevera dambudziko rekurasikirwa nemwana mushure mekubatwa nemagetsi padandaro revana kushoo yemuna2022, gore rino vane chikwata cheHealth and Safety Committee chiri kuona kuti vanhu vakachengetedzeka senzira yekudzivirira tsaona kana kurasikirwa neupenyu.

Dr Andrew Matibiri vanova chamangwiza weZAS vanoti nzvimbo yakabatirwa mwana nemagetsi gore rapera yakatobviswa uye zvinhu zvese zvakagadziriswa senzira yekuona kuti vana pamwe nevanhu vakuru vakachengetedzeka kubvira pakuparurwa kweshoo iyi musi wa28 Nyamavhuvhu nepainozopera nomusi wa2 Gunyana.

“Tinoziva panoungana veruzhinji zvakawanda zvinoitika uye tine hurombo netsaona yakaitika gore rapera nedzimwe dzakamboitika kumashure. Gore rino, tine chikwata chinoona nezvekuchengetedzwa kwevanhu kuitira kuti pasave nekurasikirwa kweupenyu. Upenyu hwevanhu hunokosha zvikuru saka hatidi zvinhu zvinosvibisa chimiro cheshoo.

“Tinofara kuti zvisungo zvekurwisa chirwere cheCovid-19 zvakanyevenutswa saka tinotarisira kuti vanhu vachauya nehuwandu hwavo,” vanodaro.

Dr Matibiri vanoti shoo inopa mukana kuvarimi neveruzhinji kuti vapemberere budiriro yavapo mukurima pamwe nekunzvera matambudziko avari kusangana nawo uye nekutsvaga nzira dzekuti vangakunda sei.

Shoo yegore rino, iyo inova yechi113th, iri kuitwa pasi pedingindira rinoti: “Budiriro Inoendeka, Kutivirira, Kuvandudzwa Kwegoho Nekuumba Ukama”.

Dr Matibiri vanoti vanotarisira kuti vanhu vachashanyira shoo iyi kusvikira musi wainopera vanogona kusvika 1,8 miriyoni.

“Tiri kushandisa nzvimbo yakakura 77 000 square metres uye chikamu chihombe chenzvimbo iyi chakatobhadharwa nevanhu vacharatidzira. Tichange tiine vayenzi vanobva kunyika dzakadai seDemocratic Republic of Congo, European Union, China, South Africa neMalawi pakati pedzimwe nyika,” vanodaro.

Shoo iyi ichazarurwa zviri pamutemo nemusi weChishanu uye muyenzi mukuru pachirongwa ichi achazoziviswa nekufamba kwenguva.

Kuchikamu chezvegoho remumunda, varimi makumi matatu avo vakasarudzwa kubva kudunhu rimwe nerimwe, kureva kuti pachange paine varimi 300, vachawaniswa mibairo.

Kuchikamu chezvipfuyo, varimi vari kuratidzira zvakadai semombe, mbudzi, hwayi, tsuro, nguruve nehuku.

“Nekutyira kupararira kwezvirwere zvakadai setungundu nezvemahwanda, pakati pezvimwe, zvipfuyo zvese zvichaunzwa kushowa zvinofanira kunge zvakavhenekwa zvirwere izvi,” vanodaro Dr Matibiri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>