Vana vatatu vakany’ura

26 Feb, 2016 - 00:02 0 Views
Vana vatatu vakany’ura

Kwayedza

VANA vatatu vanonzi vakany’ura mudhamu reTausha, mubhuku rakwaChiwi, kuChingwizi kuTriangle svondo rapera apo vaifudza mombe.

Matauriri wemapurisa munyika, Senior Assistant Commissioner Charity Charamba, vanoti vana ava vaive nemakore ekuberekwa anoti 9, 11 ne12.

Vaviri vevana ava vanonzi vaifudza mombe apo vakaenda kudhamu iri ndokubva vasangana nemumwe wavaidzidza naye uyo aive naamai vake vaigeza mbatya.

Vatatu ava vakatorana ndokuenda kune rimwe divi redhamu iri ndokutanga kutambira ikoko.

“Panguva iyo kwakange kwasviba, zvakazoonekwa kuti vana ava vashaikwa zvikaita kuti vatsvagwe apo mitumbi yavo yakazoonekwa iri kumahombekombe kwedhamu.

“Semapurisa, tiri kuyambira vabereki kuti vachengetedze vana vavo, zvikuru munguva ino yekunaya kwemvura. Vabereki havafanire kurega vana vachifudza mombe voga,” vanodaro Snr Asst Comm Charamba.

Mune imwe nyaya, mapurisa akasunga varume vaviri vekuDotito, kuMt Darwin, mushure mekunge vawanikwa vaine haka iyo vaitengesa vasina mvumo yevebazi rinoona nezvekuchengetwa kwemhuka reNational Parks and Wildlife Management.

Snr Asst Comm Charamba vanoti vakasungwa ava ndiDaniel Shumba (35) naErick Makosa (50).

Snr Asst Comm Charamba vanoti varume vaviri ava vakasungwa mushure mekunge mapurisa anyeverwa neveruzhinji kuti vaitengesa haka.

“Mapurisa akaita sevanhu vaida kutenga haka iyi ndokusunga varume vaviri ava mushure mekunge vaonekwa vasina magwaro anovabvumidza kuita izvi.

“Mapurisa anoyambira zvakare veruzhinji kuti imhosva huru kuvhima kana kutengesa mhuka dzesango pasina kupihwa mvumo (neveNational Parks and Wildlife Department),” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey