‘Vana vose vane matarenda avo’

01 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Malven Mugadzikwa
VANA vakaremara mitezo vane kodzero yekuwana dzidzo yakazara pamwe nekupinda munyaya dzemitambo kuti varatidze zvipo zvavo izvo zvinogona kuvapa raramo mune remangwana. Mashoko aya akataurwa svondo rapera muHarare naEducation Officer kubazi remitambo, tsika nemagariro, VaChristopher Katore, pakupera kwemakwikwi evakaremara mitezo emaParalympic games. “Mwana wose anozvarwa aine chipo chake chaanogona zvisinei nekuti akaremara kana kuti kwete. Zvipo izvi zvinobuda kana vana vakakwanisa kuendeswa kuchikoro kune vanovadzidzisa. Kune vabereki vanoti kana mwana aine hurema vanobva vamugarisa mumba vachiti haana zvaanogona kuita.

“Zvose izvi zvinofanira kugadziriswa kuti vana verudzi urwu vakwanise kuenda kuzvikoro uko vanofanira kudzidzira kudyidzana nevamwe pamwe chete nekuratidza zvipo zvavo, kunyanya mumitambo yakasiyana,” vakadaro.

VaKatore vanoti kune mitambo yakasiyana inogona kuitwa nevana vasingaoni, mbeveve kana matsi apo vanenge vachiita makwikwi.
Vakanyunyuta nemamiriro akaita zvimwe zvivakwa zvinoshandiswa nevakaremara mitezo zvakaita sezvimbuzi zveruzhinji izvo vanonetseka kuzvishandisa.

“Zvimwe zvivakwa vana vakaremara mitezo ava havakwanise kuzvikwira, kunyanya avo vanofamba nemawheel chair. Kuchitiwo mabhazi edu ekufambisa mamwe acho haasati ava kuita kuti vakwanise kukwira voga,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey