VaNgiyazana havasi kufara

12 Aug, 2016 - 00:08 0 Views

Kwayedza

“PEPUKA” naBarbara Makhalisa (147-154)

Nyaya yacho:

VaNgiyazana vari kukurukura nemudzimai wavo MaSihosana kana kuti amai Bhiki. Kubva muhurukuro yavari kuita zvinoonekwa kuti baba vemba havasi kufadzwa nezviri kudzidziswa vana vadiki muzvikoro vachiti havana mwana anonodzidziswa nemunhu akaita saAmai Nkelo avo vavanoti vakadzidza navo vari dofo rekupedzisira uyewo vane pfungwa “yechana yekuswera achingosvetuka sepwere” (147).

Vanodoma zvinhu zvinoitwa nekamwana kainzi Bhayana, nekanozi Mane izvo vanoti kudzidziswa kuyema. Vana ava vari kudzidziswa nezveutano hwakanaka. Mudzimai anoti vana vava kudzidziswa zvakawanda kuzvikoro.

Mudzimai ndipo paanotanga nyaya yake yemari achifunga kuti zvimwe murume angaterera ndokumuudza kuti mari yevana yainge ichidiwa murume ndokushaya kuti vana vapi zvakare, iye akabva mukutenga yunifomu yaBhiki nekuripa mari yekuvaka imba yekusonera.

Mudzimai anomujekesera achiti aireva ava vana vadiki vana Nqobani. Murume anobva ati mudzimai ava kuda kutanga nyaya iya yaAmai Nkelo zvakare. Vana vakaita savana Nqobani vangapinda chikoro rudzii? Mudzimai anobva ati ndechevadiki avo vasati vaenda kuchikoro izvo zvinoita kuti madzimai abetserwe chaizvo vagogona kuita mamwe mabasa.

Murume anobvunza kuti madzimai akavabereka vana Ngiyazana vaizviitirwa nani zvemabasa epamba. Mudzimai anoti mutemo wekuti vana vose vanofanira kuenda kuchikoro wakanga usati waveko. VaNgiyana vanoti zvinoshamisa kuti vana vechikoro vakuru vanobvisirwa mari yechikoro shoma pane inobvisirwa vadiki.

Mudzimai anozvidzivirira achiti zvakaongororwa kuti munhu anoswera akatarisa vana basa rake rinosarira mumashure, vanhu vakuru ngavapepuke mupfungwa kuna VaNgiyizana kuchikoro kwacho hakuna chinodzidzwako sezvo vana vanoswera vachitamba madzimai ndokuti ndiwo madzidziro evana iwayo. Murume anoti pamba hapana nzvimbo yokutambira here.

Mudzimai anoti ainge achireva kuti vana vanoita zvinosimbisa miviri, pfungwa nehunhu hwavo kana vari kuchikoro uku. Vanopera simba vachiona kuti murume wavo haapinduke panyaya iyi ndokuzosandura nyaya vava kutaura kuti vabereki vose vainge vakakokwa kuchikoro kuti vanoona zvinoitwa nevana, vaya vakakunda muzvidzidzo vachipihwa mibairo murume haazvirambi.

MaSikosana havasiri ivo vega vainetsana nenyaya iyi. Amai Sokisi naAmai Mgcini vari kuchema-chemawo sezvaiitwa naAmai Bhiki vari munzira kuenda kuchikoro. Amai Mgcini vanoti vanovimba kuti havasi kuzoswerako vachityira kuti mombe dzavo dzingadya muminda yevanhu.

Amai Sokisi vanorumbidza mabasa ari kuitwa naAmai Nkelo. Mai Mgcini vari kuchema-chema kuti mari yechikoro vachaiwana kupi zuva zvarapisa kudai, Mai Sokisi ndokuti amai ava vari nani sezvo murume wavo anoshanda mudhorobha ivo ndokuti Amai Sokisi zvaive nani nekuti vaigona kusungirira kamari kavainge vawana nekutambudzika.

Mai Mgcini vanoti kunyange dai vane kamari kavakasungirira musi waiuya murume wavo aibva aitora yose ichinopera mukachasu. Mai Mgcini vanozoti mari inenge yawanikwa, kwava kuripa yevana vechikoro nekutanga chekudya. Kana yapera baba vanofanira kupa imwe pane kuti vakumbire mukadzi.

Amai Sokisi vanoti amai ava ngavapepuke vashandire mhuri sezvo kuenda kuchikoro kuine pundutso.

Vasvika pachikoro, mukuru wepo ndokuvachingamidza vana vakaimba zvaidadisa vabereki, kwakazoitwa mitambo yevana.

(Enderero mberi svondo rinotevera.)

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey