Uncategorized

Vanhu vaneta nekupusiswa, nekuitiswa

07 Feb, 2020 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Ignatius Mabasa

“KUNAMATA kwakanaka, asi chandisingade machechi nemaporofita azara munyika.” Kutaura kwakadai kwawanda munguva dzino, kunyanya mune vechidiki.

Vanhu vaneta nemasangano. Vanhu vaneta nekupusiswa, nekuitiswa. Saka vanopedzisira vasisade chechi nekuti vanoti chechi yazara huipi hwevanoishandisa kuita zvinhu zvisingaite.

Asi chavari kuramba ichechi yanhasi, kwete Jesu Kristu pachake.

Chiripo ndechekuti vanhu vari kuona musiyano mukuru kwazvo pakati paJesu nechechi yaakavamba zvekuti havaregi kushora.

Jesu pachezvake nezvaakadzidzisa hazvisvote. Iye Jesu pachezvake aigara akapesana nemitemo, uye mamwe mashoko ake akanga aine kakumutsa hondo. Akanga ane rudo nerunyararo kwese kwaaienda.

Zvakarewo, zvaaiparidza ndizvo chaizvo zvaaiita.

Asi Jesu akanga ari wechokwadi here?

Kana nanhasi uno vanhu vazhinji vari kukurira mumhuri dzinokoshesa chokwadi chaKristu nechechiKristu. Asi kana vachinge vakura, vave kuzvifungira vega, hazvivanetse kuti vasiye chitendero chavakakura nacho, votanga kutsvaga kuti Jesu ndewechokwadi here kana kuti kwete.

Vamwewo vakawanda havakurire muchiKristu. Asi vanokura vari mune zvimwe zvitendero kana mafungiro asinei naMwari zvachose.

Asi vanhu vese ava, vakaverenga nezvaJesu, vanoona kuti vanosangana nekumwe kushamiswa kwavasingagone kushayira hany’a.

Saka nyaya yedu inyaya yaJesu weNazareta akararama munguva yakare . Hazvina mubvunzo kuti kwakanga kune munhu akadaro here. Zvekuti Jesu akanga aripo panyika pano zvinobvumwa nevanyori vasingatende maari, pamwe chete nevanyori vechiKristu.

Zvakarewo, nyangwe pakave nezvimwe zvingataurwe pamusoro pake, Jesu akanga ari munhu chaiye.

Akazvarwa, akakura, aishanda achitobudawo dikita, aizorora nekutorarawo, ainwa nekudya, uye akatambudzika akafa sezvinongoitawo vanhu vese.

Akanga ane muviri wemunhu chaiwo, uye ainzwa zvinonzwikwa nevanhu —shungu, nezvimwe zvinobata mwoyo.

Asi tingabvume chaizvo-izvo kuti neimwewo nzira akanga ari “Mwari”? Zvehumwari hwaJesu hakusi kungopengawo here kwemaKristu?

Pane umbowo huripo here kuti mashoko anoshamisa ekuti muvezi wekuNazareta uyu akanga ari mwanakomana waMwari anoshamisa?

Mubvunzo uyu wakakosha, uye hatigone kuutiza. Tinofanira kutaura chokwadi.

Kana Jesu akanga asiri Mwari vakanga vauya panyika semunhu, zvinoreva kuti chiKristu hachina makumbo ekuti chimire nawo.

Tinenge tangosara nechimwewo chitendero chine pfungwa dzinonakidza, nemitemo inoyemurika.

Chinoita kuti chiKristu chive chitendero chinoshamisa panenge pasisina.

Asi umbowo hwehumwari hwaJesu huripo — umbowo hwakanaka, hwakasimba, hunowanikwa munhoroondo, uye hunoramba huchiwanda. Huripo umbowo hwekuti chero munhu asingade kutemwa nemusoro nekufunga, anongohuona pachena.

Pane mashoko anotyisa akataurwa naiye Jesu pachezvake achitaura kuti ndiye ani.

Mashoko iwayo akanga ari mashoko anorovesa nehana, asi achitaurwa nenzira isiri yekushamisira. Zvakarewo, tozotarisa hunhu hwake hunoshamisa.

Simba rake, nehunyoro hwake, kutonga kwake zvisina kutsveyama. Tsitsi dzake dzinochemedza.

Rudo rwake kuvana vadiki nekuvanhu varombo nevaye vanosemwa. Simba rake nehunyanzvi hwake pamusoro pezvinhu, pamwe chete nekuzvipira kwake zvinhu zvinoita kuti ayemurwe nevanhu.

Asiwo zvakare, kufa kwake kunorwadza kwakanga kusiri kupera kwake. Zvinonzi akamuka zvakare kubva kuvakafa, uye umbowo hwekumuka kwake hunozadza dengu.

Asi kana Jesu akanga ari mwanakomana waMwari — tingati chiKristuwo zvacho kugashira izvi chete here? Kwete. Kana tikange tabvuma kuti Jesu ndiani, tinofanira kuti titarise kuti chii chakamboita kuti auye panyika. Chii chaaida kuita? Mhinduro yeBhaibheri inoti, “Akuya panyika kuzoponesa vatadzi.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey