Uncategorized

Vanhu vanodarika 900 vangoshaikwa

20 Jul, 2022 - 15:07 0 Views
Vanhu vanodarika 900 vangoshaikwa Asst Comm Paul Nyathi

Kwayedza

Fatima Bulla-Musakwa

VANHU 974 vanonzi vashaikwa munyika muno kubvira pakutanga kwegore rino uye vazhinji vavo vachikwezvwa nematsotsi anovavimbisa mabasa padandemutande reSocial Media – izvi zvinotsinhirwa nemapurisa.
Ongororo yakaitwa nemapurisa inoratidza kuti pavanhu 700 avo vakamhan’arwa kuti vari kushaikwa, vakazoonekwa mushure mekunge mapurisa apindira.

Gore rapera, kwakamhan’arwa nyaya 1 031 dzevanhu vakashaikwa apo mapurisa akavhura magwaro uye madhoketi enyaya 829 akazovharwa mushure mekunge vanhu vacho vawanikwa.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti vamwe vevanhu ava vakashaikwa mushure mekuenda kunosangana nevavanenge vataura navo pamasaisai eindaneti uyewo vamwe vana vari kushaikwa mushure mekubva pamisha vachitiza kushungurudzwa.

“Semuenzaniso, mumwe mwana mukomana nevanasikana vatanhatu vekuKaroi vakashaikwa mumwedzi waChivabvu gore rino mushure mekunge vavimbiswa mabasa kuHarare,” vanodaro Asst Comm Nyathi.
“Zvakazoonekwa kuti pwere idzi dzakanga dzakapambwa dzikaendeswa kuHarare uko vaishandiswa mabasa ezvepabonde nemumwe mudzimai ane makore 28 ekuberekwa. Nyaya dzekushungurudzwa mudzimba dzinoita zvekare kuti vamwe vanhu vashaikwe,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Nyaya dzekushaikwa kwevanhu dziri kuwanda mazuva ano apo dzakawanda dzacho dzinoshambadzwa pamadandemutande.

Asst Comm Nyathi vanoti Social Media ndiyo iri pamberi mukushambadza mashoko emanyepo semabasa asipo, nekudaro vanokurudzira veruzhinji kuti vasanyanya kuvimba nemashoko iwayo kana vasina kuwaniswa tsinhiro kubva kumapoka akakodzera.

Vanoti mapusira anoita ongororo kana nyaya dzekushaikwa kwevanhu dzikamhan’arwa nekukasika.
“Kana munhu achinge ashaikwa, mapurisa anotarisa nzvimbo yaakapedzisira kuonekwa ari, kutarisa kunzvimbo kana misha yaanosishanyira vasati vaenda kunotarisa kuzvipatara zviri pedyo.

“Mapurisa anotarisawo kumiganhu yenyika vachishambadza zvekare kusanganisira mumaredhiyo, terevhizheni nemapepanhau uye paSocial Media yemapurisa,” vanodaro.

Asst Comm Nyathi vanoti veruzhinji vanokurudzirwa kuti vaendese zvinyunyuto zvavo kuna Officer-in-Charge wepakamba yavanenge vamhan’ara nyaya dzavo, Officer Commanding Police District kana kuti kupurovhinzi uye nekuNational Complaints Desk kudunhu kana mapurisa asina kuita basa ravo nemazvo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>